Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 19:1-15

Kubuda 19:1-15 SCLB

Pazuva chairo rakapera mwedzi mitatu yokubva kwavo kuIjipiti vaIsiraeri vakasvika murenje ReSinai. VaIsiraeri vakanga vabva kuRefidhimu vakasvika murenje reSinai vakadzika matendhe avo pakatarisana negomo. Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti, ‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri. Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu. Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ” Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Ndichauya kwamuri ndiri mugore rakasviba kuti ndindo-o, kuitira kuti vanhu vandinzwe ndichitaura newe, naizvozvo vachazogara vachiti rawareva ndiroro.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda undoti vaIsiraeri ngavazvinatse nhasi namangwana, vasuke hanzu dzavo, vange vagadzirira pazuva retatu nokuti pazuva retatu ini Tenzi ndichauya pamusoro peGomo reSinai vanhu vose vachiona. Iwe unofanira kutarira vanhu muganho unoripoteredza kuti varege kudarika muganho iwoyo vachikwira mugomo kana kuswedera mujinga maro. Kuwana anorigunzva anotourayiwa chete. Asaite kana zvokubatwa namaoko. Ngaaite zvokutemwa namabwe kana kupfurwa nomuseve, ingave mhuka kana munhu chaiye urayai chete. Vanhu vanotozouya kugomo kana hwamanda yaridzwa zvakati rebei.” Mosesi akaburuka mugomo umu oenda kuvanhu. Akandotaurira vaIsiraeri kuti vazvinatse; vakasuka hanzu dzavo. Mosesi akaudza vanhu kuti, “Gadzirirai kubvira nhasi kusvikira pazuva retatu, pasava naanopinda mumba nomukadzi.”

Verenga chikamu Kubuda 19