Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 19:1-15

Ekisodho 19:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezuva iro vakasvika murenje reSinai. Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; vaIsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo. Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, “Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana Isiraeri, uti, ‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri. Naizvozvo zvino kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.’ Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.” Zvino Mosesi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” Mosesi akandoudza Jehovha mashoko avanhu. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.” Mosesi akaudza Jehovha mashoko avanhu. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguo dzavo, vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai. Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo’; ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.” Zvino Mosesi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguo dzavo. Akati kuvanhu, “Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 19

Ekisodho 19:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai. Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo. Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri: ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri. Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu, muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.” Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure. Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuvanhu undovanatsa nhasi namangwana. Uite kuti vawache nguo dzavo uye vange vagadzirira nezuva rechitatu, nokuti pazuva iroro Jehovha achaburuka paGomo reSinai pamberi pavanhu vose. Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo. Zvirokwazvo achatakwa namabwe kana kubayiwa nemiseve; hakuna ruoko ruchamubata. Angava munhu kana chipfuwo, haangatenderwi kurarama.’ Vangakwira havo kugomo kana bedzi hwamanda yorunyanga rwegondobwe yaramba ichirira.” Shure kwokuburuka kwaMozisi mugomo achienda kuvanhu, akavanatsa, uye ivo vakashambidza nguo dzavo. Ipapo akati kuvanhu, “Zvigadzirirei nezvezuva rechitatu. Murege kurara navakadzi venyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 19

Ekisodho 19:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pazuva chairo rakapera mwedzi mitatu yokubva kwavo kuIjipiti vaIsiraeri vakasvika murenje ReSinai. VaIsiraeri vakanga vabva kuRefidhimu vakasvika murenje reSinai vakadzika matendhe avo pakatarisana negomo. Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti, ‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri. Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu. Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ” Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Ndichauya kwamuri ndiri mugore rakasviba kuti ndindo-o, kuitira kuti vanhu vandinzwe ndichitaura newe, naizvozvo vachazogara vachiti rawareva ndiroro.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda undoti vaIsiraeri ngavazvinatse nhasi namangwana, vasuke hanzu dzavo, vange vagadzirira pazuva retatu nokuti pazuva retatu ini Tenzi ndichauya pamusoro peGomo reSinai vanhu vose vachiona. Iwe unofanira kutarira vanhu muganho unoripoteredza kuti varege kudarika muganho iwoyo vachikwira mugomo kana kuswedera mujinga maro. Kuwana anorigunzva anotourayiwa chete. Asaite kana zvokubatwa namaoko. Ngaaite zvokutemwa namabwe kana kupfurwa nomuseve, ingave mhuka kana munhu chaiye urayai chete. Vanhu vanotozouya kugomo kana hwamanda yaridzwa zvakati rebei.” Mosesi akaburuka mugomo umu oenda kuvanhu. Akandotaurira vaIsiraeri kuti vazvinatse; vakasuka hanzu dzavo. Mosesi akaudza vanhu kuti, “Gadzirirai kubvira nhasi kusvikira pazuva retatu, pasava naanopinda mumba nomukadzi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 19

Ekisodho 19:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nomŋedzi wecitatu wokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita, nezuʋa iro ʋakaȿika murenje reSinai. Ʋakati ʋabva paRefidimi, ʋakaȿika murenje reSinai, ʋakadzika matente aʋo murenje; ʋaIsraeri ʋakaʋaka’po misasa pamberi pegomo. Ɀino Mosesi akakwira kunaMŋari, Jehova ari mugomo akamuɗana, akati: Unofanira kutaura kuɗai kunaʋeimba yaJakobo, uʋudze ʋana ʋaIsraeri, uti: Makaʋona ɀandakaitira ʋaEgipita, ʋuye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakuȿitsai kwandiri. Naiɀoɀo ɀino kana mukaterera inzwi raŋgu nomŋoyo wose, mukaceŋgeta suŋgano yaŋgu, mucaʋa fuma yaŋgu caiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyaŋgu; mucaʋa kwandiri ʋushe bgaʋaprista, norudzi rutȿene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoʋudza ʋana ʋaIsraeri. Ɀino Mosesi akadzoka, akaɗana ʋakuru ʋaʋanhu, akaisa pamberi paʋo mashoko iwayo ose, aakaŋga arairwa naJehova. Ipapo ʋanhu ʋose ʋakapindura pamŋe cete, ʋaciti: Ɀose ɀataurwa naJehova ticaɀiita. Mosesi akandoʋudza Jehova mashoko aʋanhu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira ndinoʋuya kwauri mugore gobvu, kuti ʋanhu ʋanzwe kana ndicitaura newe, ʋagotenda misi yose. Mosesi akaʋudza Jehova mashoko aʋanhu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Enda kuʋanhu, uʋatsaure nhasi namaŋgwana, ʋasuke ŋguʋo dzaʋo, ʋagare ʋakaɀigadzira nezuʋa retatu, nokuti nezuʋa retatu Jehova ucaɓuruka pamberi paʋanhu ʋose pamsoro pegomo reSinai. Iwe utarire ʋanhu miganhu yakaʋapoteredza, uti kwaʋari: Cenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kuɓata jiŋga raro; aninani unoɓata gomo ucaʋurawa ɀirokwaɀo; ngaarege kuɓatwa noruʋoko, asi atakwe ɀirokwaɀo namabge, kana afurwe; kana ciri cipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda iciramba icirira, ŋgaʋakwire mugomo. Ɀino Mosesi akaɓuruka mugomo, akaenda kuʋanhu, akatsaura ʋanhu; iʋo ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo. Akati kuʋanhu: Garai makaɀigadzira nezuʋa retatu; musasweɗera kumukadzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 19

Ekisodho 19:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)