Ekisodho 19
19
VaIsiraeri vanosvika kugomo reSinai
1Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezuva iro vakasvika murenje reSinai. 2Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; vaIsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo. 3Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, “Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana Isiraeri, uti, 4‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri. 5Naizvozvo zvino kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; 6muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.’ Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.” 7Zvino Mosesi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha. 8Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” Mosesi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.
9Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.”
Mosesi akaudza Jehovha mashoko avanhu. 10Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguo dzavo, 11vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai. 12Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo’; 13ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.”
14Zvino Mosesi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguo dzavo. 15Akati kuvanhu, “Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.”
16Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nezwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera. 17Zvino Mosesi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo. 18Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo. 19Zvino izwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mosesi akataura, Mwari akamupindura nezwi. 20Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira. 21Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa. 22Navapristi vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.”
23Mosesi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, ‘Tarira miganhu pagomo muritsaure.’ ”
24Jehovha akati kwaari, “Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.”
25Ipapo Mosesi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 19: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002