Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 18:1-27

Kubuda 18:1-27 SCLB

Vatezvara vaMosesi vainzi Jetero, aiva mupristi wokuMidhiani akanzwa zvose zvakaitwa naTenzi kuna Mosesi navaIsiraeri paakavaburitsa muIjipiti. Vatezvara vaMosesi, vaJetero vakagamuchira zvavo Zipora mudzimai waMosesi akanga ambodzorerwa kumusha pamwechete navanakomana vake vaviri. Mumwe ainzi Gerishomu nokuti Mosesi aiti, “Ndiri mutorwa munyika yavamwe.” Mumwe ainzi Eriezero, nokuti aiti, “Mwari wababa vangu ndiye akava mubatsiri wangu, akandinunura kuna Farao akasandiuraya.” Vatezvara vaMosesi, vaJetero, nomudzimai waMosesi navana vake vaviri vakaenda kurenje kwaiva naMosesi kugomo raMwari pavakanga vakadzika matendhe. Jetero akanga afanotuma shoko kuna Mosesi rokuti, “Ini, vatezvara vako, ndiri kuuyako nomudzimai wako navanakomana vake vaviri.” Mosesi akandochingura vatezvara vake akavakwazisa achivaremekedza kwazvo akavatsvoda. Vakabvunzana mufaro vakapinda zvavo mutendhe. Mosesi akarondedzera vatezvara vake zvose zvakanga zvaitwa naTenzi achirwadzisa Farao navaIjipiti pamusana pevaIsiraeri. Akaudzawo vatezvara vake nezvamatambudziko ose avakaona murwendo rwavo nezvakaitwa naTenzi achivanunura. Jetero akafara kwazvo paakanzwa zvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsiraeri naTenzi paakavanunura mumaoko avaIjipiti. Jetero akati, “Tenzi ngaarumbidzwe akakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko aFarao, akanunura vanhu mumaoko evaIjipiti. Zvino ndazoziva kuti Tenzi ndiye mukuru kudarika vamwari vose zvavo nokuti akanunura vanhu kuvaIjipiti pavaizvikudza zvikuru vachivatambudza.” Ipapo vatezvara vaMosesi vaJetero vakapira Mwari chibayiro chinopiswa vakapirawo mimwe mipiro. Aroni navakuru vakuru vose vavaIsiraeri vakauya kuzodya pamwechete navatezvara vaMosesi ipapo pana Mwari. Ava mangwana Mosesi akagara padare achitonga mhosva dzevaIsiraeri. Vanhu vakaswera padare, kubvira mangwanani kudzamara manheru. Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.” Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo. Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo.

Verenga chikamu Kubuda 18