Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 12:14-51

Kubuda 12:14-51 SCLB

Kwamuri imi zuva iri rinofanira kuva zuva guru rokuyeuka, ramunoitira Tenzi mabiko pazvizvarwa zvenyu zvose, muchengete murao iwoyu nokusingaperi.” Tenzi akati, “Kwamazuva manomwe, muchadya chingwa chisina mbiriso chete. Pazuva rokutanga, bvisai mbiriso yose mudzimba dzenyu nokuti kana munhu akazodya chingwa chine mbiriso pamazuva manomwe iwayo, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. Pazuva rokutanga napazuva rechinomwe, itai musangano mutsvene wezvokunamata. Pamazuva iwaya, kusambova zvako kana nebasa zvaro ramunoita, asi zvokudya zvenyu ndizvo bedzi zvamungabike. Munofanira kuchengeta mazuva echingwa chisina mbiriso nokuti ndiro zuva randakaburitsa madzinza enyu muIjipiti. Saka chengetai zuva guru irori pazvizvarwa zvenyu zvose somurao wenyu unogara uripo narini narini. Mumwedzi wokutanga kubvira pazuva regumi nechina manheru, kusvikira pazuva ramakumi maviri nechiposhi manheru, imi regai kudya chingwa chine mbiriso. Kwamazuva manomwe, mudzimba dzenyu ngamurege kuonekwa mbiriso nokuti kana munhu akadya chinhu chine mbiriso munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama negungano ravaIsiraeri, kunyange zvake ari muenzi kana mugari womo. Musambodya zvenyu chingwa chine mbiriso. Mose mamunenge mugere munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Mosesi akakokorodza vakuru vakuru vavaIsiraeri akati, “Endai mutorere mhuri dzenyu hwayana kana mbudzana mubayire Pasika. Munotora katsama ketumapazi twomuhisopu monyika muropa ramunenge maisa mumbiya, morizora pamagwatidziro omumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo. Vanhu vose ngavarege kubuda panze usiku ihwohwo hwose kudzamara kuedze. Tenzi paachapfuura nomunyika muno achiuraya vaIjipiti, achaona ropa pamagwatidziro okumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo, obva apfuura zvake musuo iwoyo. Haazobvumidza muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuzouraya. Imi navana venyu, chengetai izvozvi somurao wenyu narini narini. Kana mazosvika kunyika yamakatsidzirwa kupiwa naTenzi, chengetai zuva guru irori. Vana venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Ko mabiko aya anoreveiko?’ imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi. VaIsiraeri vakaenda vakandoita zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi naAroni. Kuzoti pava pakati pousiku Tenzi akauraya matangwe echirume ose omunyika yeIjipiti, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe raizogara nhaka youmambo kusvikira kudangwe romusungwa akanga ari mujeri namatangwe ose ezvipfuwo. Usiku ihwohwo Farao namachinda ake ose navaIjipiti vose vakamuka rikave zhowezhowe kuchema muIjipiti nokuti kwakanga kusina musha wakanga usina rufu. Farao akadaidza Mosesi naAroni usiku ihwohwo akati, “Imi navaIsiraeri venyu chimukai mubve mukati mavanhu vangu muende kundonamata Tenzi sezvamaireva! Torai zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu sezvamakareva muende. Mundikomborerewo.” VaIjipiti vakakurudzira vaIsiraeri kuti vakurumidze kubuda munyikamo vachiti, “Kana mukasaenda tose tingapere kufa.” VaIsiraeri vakarongedza midziyo iyoyo yaiva nemikanyiwa yechingwa yakanga isina mbiriso. Vakaputira midziyo muhanzu dzavo vakaitakura pamapfudzi avo. VaIsiraeri vakaita zvavakaudzwa naMosesi. Vakakumbira vaIjipiti zvinhu zvesirivha nezvendarama nehanzu. Tenzi akaita kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena wokuvapa zvavakakumbira. Naizvozvo vaIsiraeri vakarozva upfumi hwevaIjipiti. VaIsiraeri vaisvika zviuru mazana matanhatu pasingaverengerwe vana navanhukadzi vakapinda murwendo rwavo. Vakabva kuRamasesi vakafamba netsoka kundosvika kuSukoti. Vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakaendawo navaIsiraeri. Vakaenda nemombe nezvimwe zvipfuwo zvakawanda kwazvo. Vakazobika chingwa chisina mbiriso nemikanyiwa iya yavakabva nayo kuIjipiti. Vakatadza kana kuisa mbiriso mumikanyiwa yechingwa nokuti vakaita zvokudzingwa muIjipiti. Pakanga pasina zvokunonoka, havana kana kuzvigadzirira mbuva yerwendo rwavo. VaIsiraeri vakanga vagara muIjipiti mazana mana amakore namakore makumi matatu. Pazuva chairo rakakwana mazana mana amakore namakore makumi matatu, ndiwo musi wakabuda hondo dzose dzavanhu vaTenzi munyika yeIjipiti. Usiku ihwohwo, Tenzi akarindira kuitira kuti anunure vaIsiraeri. Naizvozvo usiku ihwohwu vaIsiraeri vanofanira kugaririrawo vachipembererera Tenzi pazvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose. Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, “Heinoi mirao yePasika. Mutorwa haabvumirwi kudya Pasika. Asi muranda wamakaita zvokutenga nemari, ngaatange adzingiswa ndipo paangazobvumirwa zvake kuidya. Muenziwo zvake kana mushandi wamarikicho haafanire kudya Pasika. Chirariro chePasika ngachidyirwe mumba makaremo machagadzirirwa. Musabude zvenyu kana nakanyama kayo mumba iyoyo. Regai kutyora kunyange pfupa rimwechete zvaro rehwayana yacho. Gungano rose ravaIsiraeri rinosungwa nomutemo wokuchengeta Pasika. Kana mutorwa agere nemi achidawo kuchengeta Pasika yokupemberera Tenzi, vanhurume vose vaanenge anavo ngavadzingiswe. Ndipo paangazofemerawo kuichengeta nokuti anenge angoitawo somuIsiraeri. Asi hakuna munhu asina kudzingiswa anobvumidzwa kuichengeta. Mutemo iwoyu unosunga zvimwechetezvo vaIsiraeri navatorwa vagere mukati menyu.” Tenzi zvaakanga audza Mosesi naAroni, ndozvakaitwa izvozvo navaIsiraeri. Pazuva iroro chairo Tenzi akaburitsa vaIsiraeri muIjipiti vari hondo nehondo dzavanhu.

Verenga chikamu Kubuda 12