Ekisodho 12:14-51
Ekisodho 12:14-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Iri ndiro zuva ramunofanira kurangarira; kuzvizvarwa zvinotevera mucharipemberera somutambo kuna Jehovha, mutemo wokusingaperi. Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Pazuva rokutanga muite ungano tsvene, uye mugoitazve imwe ungano pazuva rechinomwe. Musatomboshanda pamazuva iwayo, kunze bedzi kwokugadzira zvokudya zvokuti munhu wose adye, ndizvo chete zvamungaita. “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kuzvizvarwa zvinotevera. Mumwedzi wokutanga munofanira kudya chingwa chakabikwa chisina mbiriso, kubva pamadekwana ezuva regumi namana kusvikira madekwana ezuva ramakumi maviri nerimwe. Kwamazuva manomwe, mbiriso ngairege kuwanikwa mudzimba dzenyu. Uye ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso anofanira kubviswa pakati peungano yaIsraeri, angava mutorwa kana akaberekerwa munyika imomo. Musadya chinhu chakabikwa nembiriso. Pose pamunogara, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo uye mugoisa rimwe ropa nechapamusoro pechivivo uye napamativi maviri amagwatidziro egonhi. Parege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwanani. Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei. “Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata. VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa. Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira. Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.” VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!” Saka vanhu vakatora mukanyiwa wavo usati waiswa mbiriso, vakatakura pamapfudzi avo mumidziyo yokukanyira vakazviputira mumicheka. VaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naMozisi vakakumbira zvishongo zvesirivha, negoridhe uye nezvokupfeka. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipita, uye vakavapa zvavakakumbira; saka vakapamba vaIjipita. VaIsraeri vakafamba kubva paRamesesi kusvikira kuSukoti. Kwakanga kuna varume mazana matanhatu ezviuru vaifamba netsoka, pasingaverengwi vakadzi navana. Vamwe vanhu vazhinji vakaendawo navo, pamwe chete namapoka makuru ezvipfuwo, zvose makwai nemombe. Vakabika makeke ezvingwa zvisina mbiriso nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya. Zvino nguva yakagara vanhu veIsraeri muIjipiti yakanga iri makore mazana mana namakumi matatu. Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti. Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika: “Mutorwa haafaniri kuidya. Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa, asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya. “Inofanira kudyirwa muimba imwe chete; musabuda neimwe nyama kunze kwemba. Musavhuna kana bvupa. Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera. “Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya. Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.” VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo.
Ekisodho 12:14-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi. “Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri. Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi. Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi. Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana. Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika. Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa.” Zvino Mosesi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, “Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana. Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei. Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi. Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri. Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, ‘Basa iri rinoti kudiniko?’ Muti kwavari, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.’ ” Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata. Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika yeIjipiti, kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa; akadana Mosesi naAroni usiku, akati, “Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura. Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo.” VaIjipiti vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nokuti vakati, “Isu tofa tose!” Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguo dzavo pamafudzi avo. Vana vaIsiraeri vakaita sezvavaudzwa naMosesi, vakakumbira kuna vaIjipiti zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguo. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaIjipiti. Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi. Navanhu vazhinji vakanga vakavengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji. Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva. Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muIjipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu. Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeIjipiti. Usiku ihwohwo unofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, unofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose. Jehovha akatiwo kuna Mosesi naAroni, “Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya. Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa. Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya. Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa raro. Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita. Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya. Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu.” Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti nehondo dzavo.
Ekisodho 12:14-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwamuri imi zuva iri rinofanira kuva zuva guru rokuyeuka, ramunoitira Tenzi mabiko pazvizvarwa zvenyu zvose, muchengete murao iwoyu nokusingaperi.” Tenzi akati, “Kwamazuva manomwe, muchadya chingwa chisina mbiriso chete. Pazuva rokutanga, bvisai mbiriso yose mudzimba dzenyu nokuti kana munhu akazodya chingwa chine mbiriso pamazuva manomwe iwayo, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. Pazuva rokutanga napazuva rechinomwe, itai musangano mutsvene wezvokunamata. Pamazuva iwaya, kusambova zvako kana nebasa zvaro ramunoita, asi zvokudya zvenyu ndizvo bedzi zvamungabike. Munofanira kuchengeta mazuva echingwa chisina mbiriso nokuti ndiro zuva randakaburitsa madzinza enyu muIjipiti. Saka chengetai zuva guru irori pazvizvarwa zvenyu zvose somurao wenyu unogara uripo narini narini. Mumwedzi wokutanga kubvira pazuva regumi nechina manheru, kusvikira pazuva ramakumi maviri nechiposhi manheru, imi regai kudya chingwa chine mbiriso. Kwamazuva manomwe, mudzimba dzenyu ngamurege kuonekwa mbiriso nokuti kana munhu akadya chinhu chine mbiriso munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama negungano ravaIsiraeri, kunyange zvake ari muenzi kana mugari womo. Musambodya zvenyu chingwa chine mbiriso. Mose mamunenge mugere munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Mosesi akakokorodza vakuru vakuru vavaIsiraeri akati, “Endai mutorere mhuri dzenyu hwayana kana mbudzana mubayire Pasika. Munotora katsama ketumapazi twomuhisopu monyika muropa ramunenge maisa mumbiya, morizora pamagwatidziro omumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo. Vanhu vose ngavarege kubuda panze usiku ihwohwo hwose kudzamara kuedze. Tenzi paachapfuura nomunyika muno achiuraya vaIjipiti, achaona ropa pamagwatidziro okumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo, obva apfuura zvake musuo iwoyo. Haazobvumidza muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuzouraya. Imi navana venyu, chengetai izvozvi somurao wenyu narini narini. Kana mazosvika kunyika yamakatsidzirwa kupiwa naTenzi, chengetai zuva guru irori. Vana venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Ko mabiko aya anoreveiko?’ imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi. VaIsiraeri vakaenda vakandoita zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi naAroni. Kuzoti pava pakati pousiku Tenzi akauraya matangwe echirume ose omunyika yeIjipiti, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe raizogara nhaka youmambo kusvikira kudangwe romusungwa akanga ari mujeri namatangwe ose ezvipfuwo. Usiku ihwohwo Farao namachinda ake ose navaIjipiti vose vakamuka rikave zhowezhowe kuchema muIjipiti nokuti kwakanga kusina musha wakanga usina rufu. Farao akadaidza Mosesi naAroni usiku ihwohwo akati, “Imi navaIsiraeri venyu chimukai mubve mukati mavanhu vangu muende kundonamata Tenzi sezvamaireva! Torai zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu sezvamakareva muende. Mundikomborerewo.” VaIjipiti vakakurudzira vaIsiraeri kuti vakurumidze kubuda munyikamo vachiti, “Kana mukasaenda tose tingapere kufa.” VaIsiraeri vakarongedza midziyo iyoyo yaiva nemikanyiwa yechingwa yakanga isina mbiriso. Vakaputira midziyo muhanzu dzavo vakaitakura pamapfudzi avo. VaIsiraeri vakaita zvavakaudzwa naMosesi. Vakakumbira vaIjipiti zvinhu zvesirivha nezvendarama nehanzu. Tenzi akaita kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena wokuvapa zvavakakumbira. Naizvozvo vaIsiraeri vakarozva upfumi hwevaIjipiti. VaIsiraeri vaisvika zviuru mazana matanhatu pasingaverengerwe vana navanhukadzi vakapinda murwendo rwavo. Vakabva kuRamasesi vakafamba netsoka kundosvika kuSukoti. Vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakaendawo navaIsiraeri. Vakaenda nemombe nezvimwe zvipfuwo zvakawanda kwazvo. Vakazobika chingwa chisina mbiriso nemikanyiwa iya yavakabva nayo kuIjipiti. Vakatadza kana kuisa mbiriso mumikanyiwa yechingwa nokuti vakaita zvokudzingwa muIjipiti. Pakanga pasina zvokunonoka, havana kana kuzvigadzirira mbuva yerwendo rwavo. VaIsiraeri vakanga vagara muIjipiti mazana mana amakore namakore makumi matatu. Pazuva chairo rakakwana mazana mana amakore namakore makumi matatu, ndiwo musi wakabuda hondo dzose dzavanhu vaTenzi munyika yeIjipiti. Usiku ihwohwo, Tenzi akarindira kuitira kuti anunure vaIsiraeri. Naizvozvo usiku ihwohwu vaIsiraeri vanofanira kugaririrawo vachipembererera Tenzi pazvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose. Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, “Heinoi mirao yePasika. Mutorwa haabvumirwi kudya Pasika. Asi muranda wamakaita zvokutenga nemari, ngaatange adzingiswa ndipo paangazobvumirwa zvake kuidya. Muenziwo zvake kana mushandi wamarikicho haafanire kudya Pasika. Chirariro chePasika ngachidyirwe mumba makaremo machagadzirirwa. Musabude zvenyu kana nakanyama kayo mumba iyoyo. Regai kutyora kunyange pfupa rimwechete zvaro rehwayana yacho. Gungano rose ravaIsiraeri rinosungwa nomutemo wokuchengeta Pasika. Kana mutorwa agere nemi achidawo kuchengeta Pasika yokupemberera Tenzi, vanhurume vose vaanenge anavo ngavadzingiswe. Ndipo paangazofemerawo kuichengeta nokuti anenge angoitawo somuIsiraeri. Asi hakuna munhu asina kudzingiswa anobvumidzwa kuichengeta. Mutemo iwoyu unosunga zvimwechetezvo vaIsiraeri navatorwa vagere mukati menyu.” Tenzi zvaakanga audza Mosesi naAroni, ndozvakaitwa izvozvo navaIsiraeri. Pazuva iroro chairo Tenzi akaburitsa vaIsiraeri muIjipiti vari hondo nehondo dzavanhu.
Ekisodho 12:14-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Zuʋa iri ricaʋa ciraŋgaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehova mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uʋe murairo nokusiŋgaperi. Mudye ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nezuʋa rokutaŋga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu unodya ciŋgwa cakaʋiriswa kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa recinomŋe ŋgaabviswe pakati paIsraeri. Nezuʋa rokutaŋga munofanira kuita ungano tȿene, ʋuye nezuʋa recinomŋe ʋuŋgano tȿene ɀe; namazuʋa iwayo maɓasa ose ŋgaarege kuitwa, asi ɀinodyiwa nomunhu mumŋe nomumŋe ɀiŋgagadzirwa nemi, iɀoɀo ɓedzi. Munofanira kutamba mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, nokuti ndiro zuʋa randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naiɀoɀo ceŋgetai zuʋa iro kuȿikira kumarudzi enyu ose, uʋe murairo nokusiŋgaperi. Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, munofanira kudya ɀingwa ɀisina‐kuʋiriswa kuȿikira pazuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi maɗekwana. Mazuʋa manomŋe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti aninani unodya ɀakaʋiriswa unofanira kubviswa paʋuŋgano yaʋaIsraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika. Regai kudya cinhu cakaʋiriswa; padzimba dzenyu dzose mudye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Ɀino Mosesi akaɗana ʋakuru ʋose ʋaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Endai mundotora makwaiana anoriŋgana mhuri dzenyu, muɓaye paseka. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze ciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unoɓuɗa pamukoʋa weimba yake kuȿikira maŋgwana. Nokuti Jehova ucapfuʋura napakati penyika kuti aroʋe ʋaEgipita; kana akaʋona ropa paciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri, Jehova ucaɗarika mukoʋa uyo, haaŋgatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akuroʋei. Ceŋgeta cinhu ico, uʋe murairo kwauri nokuʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ɀino kana mucizoȿika panyika yamucapiwa naJehova, seɀaakakupikirai, muceŋgete ɓasa iri. Ɀino kana ʋana ʋenyu ʋakati kwamuri: Ƃasa iri rinoti kuɗiniko? Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita. Ɀino pakati poʋusiku Jehova wakaroʋa mataŋgwe ose panyika yeEgipita, kubva paɗaŋgwe raFarao waizogara pacigaro cake coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romusuŋgwa wakaŋga ari mutoroŋgo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. Ɀino Farao akamuka ʋusiku, iye naʋaranda ʋake naʋaEgipita ʋose, kukaʋa nokucema kukuru paEgipita, nokuti kwakaŋga kusineimba musinawakafa; akaɗana Mosesi naAroni ʋusiku, akati: Simukai, ibvai pakati paʋanhu ʋaŋgu, imi naʋana ʋaIsraeri: endai mundonamata Jehova seɀamakataura. Torai makwai enyu neŋombe dzenyu, seɀamakataura, endai, neni mundiropafadze ʋo. ƲaEgipita ʋakakurudzira ʋanhu kwaɀo, kuti ʋakurumidze kuʋaɓuɗisa panyika, nokuti ʋakati: Isu tofa tose! Ʋanhu ʋakatora mukanyiwa waʋo, usati waʋiriswa, nemidziyo yaʋo yokukanyira yakaputirwa muŋguʋo dzaʋo pamafudzi aʋo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi, ʋakakumbira kunaʋaEgipita ɀishoŋgo ɀesirveri, neɀishoŋgo ɀendarama, neŋguʋo. Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita, ʋakaʋapa iɀoɀo ɀaʋakakumbira; ʋakapedzera ʋaEgipita. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva Ramesesi, ʋakaenda Sukoti, ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanofamba netsoka ʋaneɀuru ɀamazana ɀitanhatu, ʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. Naʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaveŋgana ʋakaenda naʋo, namakwai neŋombe, ɀiri ɀipfuwo ɀizhinji‐zhinji. Ʋakaɓika ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomukanyiwa waʋakaŋga ʋaɓuɗa nawo paEgipita, nokuti wakaŋga usinakuʋiriswa; nokuti ʋakadziŋgwa muEgipita, ʋakasagona kunonoka, ʋakasaɀigadzirira mbuʋa. Ɀino ŋguʋa yakagara ʋana ʋaIsraeri muEgipita akaŋga ari makore anamazana manna namakumi matatu. Pakupera kwamakore anamazana manna namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehova dzakaɓuɗa munyika yeEgipita. Ʋusiku ubgo ʋunofanira kuraŋgarirwa Jehova, nokuti wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita nabgo. Ndibgo ʋusiku bgaJehova, ʋunofanira kuraŋgarirwa kwaɀo naʋana ʋaIsraeri ʋose namarudzi aʋo ose. Jehova akati ʋo kunaMosesi naAroni: Murairo wepaseka ndiwo: Mutorwa ŋgaarege kuidya. Asi muranda womunhu mumŋe nomumŋe wakateŋgwa nemari, uŋgaidya kana mamudziŋgisa. Mutorwa kana muranda unoripirwa ŋgaarege kuidya. Inofanira kudyirwa mumba mumŋe; haufaniri kutora imŋe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; ʋuye musavuna fupa raro. Ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri inofanira kuiita. Kana mutorwa ugere newe aciɗa kuitira Jehova paseka, ʋanhurume ʋose ʋari kwaari ŋgaʋadziŋgiswe, ipapo ŋgaasweɗere hake kuiita; ɀino wafanana nomunhu wakaɓerekerwa panyika; asi usina‐kudziŋgiswa ŋgaarege kuidya. Murairo ŋgauʋe mumŋe kunowakaɓerekerwa mumusha nokumutorwa ugere pakati penyu. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita. Nezuʋa iro Jehova akaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita nehondo dzaʋo.
Ekisodho 12:14-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)