Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi.
“Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri. Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi. Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi. Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana. Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika. Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa.”
Zvino Mosesi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, “Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana. Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei. Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi. Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri. Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, ‘Basa iri rinoti kudiniko?’ Muti kwavari, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.’ ”
Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata. Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika yeIjipiti, kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa; akadana Mosesi naAroni usiku, akati, “Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura. Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo.”
VaIjipiti vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nokuti vakati, “Isu tofa tose!” Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguo dzavo pamafudzi avo. Vana vaIsiraeri vakaita sezvavaudzwa naMosesi, vakakumbira kuna vaIjipiti zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguo. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaIjipiti.
Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi. Navanhu vazhinji vakanga vakavengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji. Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.
Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muIjipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu. Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeIjipiti. Usiku ihwohwo unofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, unofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.
Jehovha akatiwo kuna Mosesi naAroni, “Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya. Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa. Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya. Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa raro. Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita. Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya. Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu.” Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti nehondo dzavo.