Haanoi mazita avaIsiraeri vakaenda kuIjipiti naJakobho, mumwe nomumwe nemhuri yake. Kwaiti Rubheni naSimeoni naRevhi naJudha, kwoti Isakari naZebhuruni naBhenjamini naDhani, kwouya Nafutari naGadhi, naAsheru. Vana vose vaJakobho pamwechete navazukuru vake, vaikwana makumi manomwe. Josefi akatenge avako kuIjipiti kare. Josefi akazofa, vakoma vake vose vakafawo pamwechete navamwe vose vechizvarwa chavo. Asi vana vokwaIsiraeri vakaramba vachingoberekana vachiwanda zvikuru, vakazova rudzi rune simba vakatekeshera nenyika yose yeIjipiti. Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi. Akayambira vanhu vake achiti, “Tarisai muone vaIsiraeri vanyanyisa kuwanda uye vava nesimba rawandisa kudarika isu. Zvino ngatitsvakei zano rokuti varege kuramba vachiwanda kudai. Ndinodaro nokuti musi unomuka hondo yokutirwisa, vachazoita rimwe navavengi vedu voita chirwirangwe chokutirwisa vakazotiza munyika ino.” Naizvozvo vaIjipiti vakazoisa vanhu vokushandisa vaIsiraeri basa rinorema rechibharo rokuvarwadzisa. VaIsiraeri vakabatwa zvakaipa vachimanikidzwa kuita mabasa airema zvikuru. Vakavakira Farao maguta ematura. Maguta acho ainzi Pitomu neRamesesi. VaIsiraeri pavaioneswa ndondo kudaro, ndipo pavakatonyanya kuwanda nokutekeshera nenyika yose iyoyo. Pamusana paizvozvi vaIjipiti vakatya vaIsiraeri zvikuru, vakavaendesa kuchibharo. Vakavaomesera upenyu pabasa ravo rezvidhina nerokukanya ivhu namabasa akasiyana-siyana omuminda. Pamabasa ose iwayo, vaivashandisa zvechibharo.
Verenga chikamu Kubuda 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 1:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo