Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 1:9-18

Esita 1:9-18 SCLB

VaHosi vamambo, Vhashiti akaitirawo vanhukadzi mabiko mumuzinda wamambo Ahasuerusi. Pazuva rechinomwe racho, mambo afaranuka mwoyo newaini akaudza Mehumani naBhizita naHaribhona naBhigita naAbhagita naZeta naKarikasi, vayuniki vanomwe vaishandira mambo Ahasuerusi savatariri vomumuzinda make kuti vauye navahosi vamambo, Vhashiti, pana mambo akapfeka ndaza yake youhosi. Chaakaitira izvi kwaiva kuti aratidze ndudzi nendudzi dzavanhu namachinda runako rwake pamusana pokuti iye akanga aine chimiro chinoyemurika. Asi vahosi vamambo, Vhashiti, akaramba kuuya sokurayirwa kwakanga kwaitwa vayuniki ava namambo. Izvozvi izvi zvakashatirisa mambo akaviruka chaizvo nehasha. Zvino mambo akakurukura nengwazi dzavarume vaiziva zvomukore iwoyo. Ndiwo aiva maitiro amambo kune vazivisisi vomutemo nokutonga. Vaimutevedzera vacho ndaava vainzi Karishena naSheta naAdhimata naTarishishi naMeresi naMarisena naMemukani. Ivava vari vanomwe ndivo vaiva machinda ePezhiya neMidhia ndivo vaionana namambo uso nouso varivo vezvigaro zvokutangisisa paumambo. Akavati, “Pamutemo, chii chinofanira kuitwa kuna vahosi Vhashiti, varega kuita zvarayirwa vayuniki namambo Ahasuerusi zvaatema kuti zviitwe?” Memukani ndokutaura pana mambo namachinda achiti, “Vahosi vamambo, Vhashiti, haana kutadzira mambo chete, asi atotadzirawo machinda ose namarudzi ose avanhu vari munyika dzamambo Ahasuerusi. Ndinodaro nokuti, zvaitwa navahosi vamambo izvi zvichazikanwa navakadzi vose zvikakonzera kuti vazvidze varume vavo nokuti vachati, ‘Mambo Ahasuerusi akarayira kuti vahosi vamambo vauyiswe kwaaiva, asi ivo vakarega kuendako wani!’ Iye nhasi uno chaiye, vakadzi vomuPezhiya umu nomuMidhia vanzwa zvaitwa navahosi vamambo izvi, vachatozvitaurirawo kumachinda ose amambo pachave nokushora noruvengo rukuru kwazvo.

Verenga chikamu Esita 1