Esteri 1:9-18
Esteri 1:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaHosi Vhashiti vakaitawo mabiko amadzimai mumuzinda waMambo Zekisesi. Pazuva rechinomwe, Mambo Zekisesi afara kwazvo mumwoyo make nokuda kwewaini, akarayira varanda vanomwe vaimushumira, Mehumani, Bhizita, Habhona, Bhigita, Abhagita, Zeta naKakasi, kuti vauye navaHosi Vhashiti, vakapfeka korona youmambo, kuti aratidze runako rwavo kuvanhu nokumakurukota, nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa. Asi pakasvika shoko rakanga rarayirwa namambo, vaHosi Vhashiti vakaramba kuuya. Ipapo mambo akashatirwa zvikuru uye akatsva nehasha. Ipapo mambo akabvunza vachenjeri vaiziva murayiro uye vainzwisisa zvenguva sezvo yaiva tsika yamadzimambo kubvunza nyanzvi dzezvomurayiro nokururamisira, uye vaiva pedyo kwazvo namambo vaiti: Kashena, Sheta, Adhumata, Tashishi, Meresi, Masena naMemukani, makurukota manomwe ePezhia neMedhia avo vaiva nekodzero yokupinda kuna mambo uye vaikudzwa muumambo. Akabvunza achiti, “Pamurayiro chii chinofanira kuitwa kuna vaHosi Vhashiti? Havana kuteerera kurayira kwaMambo Zekisesi sokuudzwa kwavaitwa navaranda.” Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi. Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’ Iye nhasi uno vakadzi vamakurukota ePezhia neveMedhia vanzwa zvaitwa navahosi vachaitawo saizvozvo kumakurukota amambo. Kusakudzana nenyonganyonga hazvimbozoperi.
Esteri 1:9-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Navahosi Vashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahashivheroshi. Zvino nezuva rechinomwe mwoyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi, kuti vauye navahosi Vashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa. Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make. Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva, (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa; vakanga vagere pedyo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTarishishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePerisia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;) akati, “Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?” Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, “Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi. Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, ‘Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.’ Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, akanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka.
Esteri 1:9-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaHosi vamambo, Vhashiti akaitirawo vanhukadzi mabiko mumuzinda wamambo Ahasuerusi. Pazuva rechinomwe racho, mambo afaranuka mwoyo newaini akaudza Mehumani naBhizita naHaribhona naBhigita naAbhagita naZeta naKarikasi, vayuniki vanomwe vaishandira mambo Ahasuerusi savatariri vomumuzinda make kuti vauye navahosi vamambo, Vhashiti, pana mambo akapfeka ndaza yake youhosi. Chaakaitira izvi kwaiva kuti aratidze ndudzi nendudzi dzavanhu namachinda runako rwake pamusana pokuti iye akanga aine chimiro chinoyemurika. Asi vahosi vamambo, Vhashiti, akaramba kuuya sokurayirwa kwakanga kwaitwa vayuniki ava namambo. Izvozvi izvi zvakashatirisa mambo akaviruka chaizvo nehasha. Zvino mambo akakurukura nengwazi dzavarume vaiziva zvomukore iwoyo. Ndiwo aiva maitiro amambo kune vazivisisi vomutemo nokutonga. Vaimutevedzera vacho ndaava vainzi Karishena naSheta naAdhimata naTarishishi naMeresi naMarisena naMemukani. Ivava vari vanomwe ndivo vaiva machinda ePezhiya neMidhia ndivo vaionana namambo uso nouso varivo vezvigaro zvokutangisisa paumambo. Akavati, “Pamutemo, chii chinofanira kuitwa kuna vahosi Vhashiti, varega kuita zvarayirwa vayuniki namambo Ahasuerusi zvaatema kuti zviitwe?” Memukani ndokutaura pana mambo namachinda achiti, “Vahosi vamambo, Vhashiti, haana kutadzira mambo chete, asi atotadzirawo machinda ose namarudzi ose avanhu vari munyika dzamambo Ahasuerusi. Ndinodaro nokuti, zvaitwa navahosi vamambo izvi zvichazikanwa navakadzi vose zvikakonzera kuti vazvidze varume vavo nokuti vachati, ‘Mambo Ahasuerusi akarayira kuti vahosi vamambo vauyiswe kwaaiva, asi ivo vakarega kuendako wani!’ Iye nhasi uno chaiye, vakadzi vomuPezhiya umu nomuMidhia vanzwa zvaitwa navahosi vamambo izvi, vachatozvitaurirawo kumachinda ose amambo pachave nokushora noruvengo rukuru kwazvo.
Esteri 1:9-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naʋahosi Vashti ʋakaitira ʋo ʋakadzi mutambo paimba yamambo yakaŋga iri yamambo Ahashveroshi. Ɀino nezuʋa recinomŋe mŋoyo wamambo wakati ucifara newaini, akaraira Mehumani, naBizta, naHarbona, naBigta, naAbagta, naZetari, naKarkasi, iʋo ʋaranda ʋanomŋe ʋaiɓata pamberi pamambo Ahashveroshi, kuti ʋaʋuye naʋahosi Vashti pamberi pamambo, ʋanekorona yoʋuhosi, kuti ʋanhu namacinda ʋaʋone kunaka kwaʋo; nokuti ʋakaŋga ʋakanaka pakuʋonekwa. Asi ʋahosi Vashti ʋakaramba kuʋuya seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo nomuromo waʋaranda; ipapo mambo akatsamŋa kwaɀo, shuŋgu dzake dzikamuka mukati make. Ipapo mambo akati kuʋarume ʋakaŋgwara ʋaiziʋa ŋguʋa, (nokuti saiɀoɀo mambo wairaŋgana naʋose ʋaiziʋa murau neɀakatoŋgwa; ʋakaŋga ʋagere peɗo naye ʋaiʋa Karshena, naShetari, naAdmata, naTarshishi, naMeresi, naMarsena, naMemukani, iwo macinda manomŋe ePersia neMedia, ʋaisiʋonana namambo, ʋaigara paɀigaro ɀokutaŋga paʋushe;) akati: Murairo unoti kuɗini, ticaitireiko ʋahosi Vashti, ɀaʋakaramba kuita seɀaʋakarairwa namambo Ahashveroshi nomuromo waʋaranda? Ipapo Memukani akapindura mambo namacinda, akati: Ʋahosi haʋana‐kutadzira mambo ɓedzi, asi namacinda ose ʋo, naʋanhu ʋose ʋari munyika dzose dzamambo Ahashveroshi. Nokuti ici cakaitwa naʋahosi cicapararira pakati paʋakadzi ʋose, ɀino ʋacashoʋora ʋarume ʋaʋo, kana ɀicinzi: Mambo Ahashveroshi wakaraira ʋahosi Vashti kuti ʋaʋuyiswe pamberi pake, asi ʋakaramba kuʋuya. Nhasi ʋakadzi ʋamacinda ePersia neMedia, akanzwa ɀakaitwa naʋahosi, acataura ʋo ɀakaɗaro kumacinda ose amambo. Naiɀoɀo kushoʋora nokutsamŋa kukuru kucamuka.
Esteri 1:9-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)