Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari. Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari. Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro. Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda.
Verenga chikamu Vaefeso 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 5:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo