VaEfeso 5:1-4
VaEfeso 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari. Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.

VaEfeso 5:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; fambai murudo, Kristu sezvaakakudaiwo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kuna Mwari, zviite hwema hunonhuwira. Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
VaEfeso 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari. Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari. Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro. Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda.
VaEfeso 5:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa; fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira. Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene; neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga.
VaEfeso 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)