Naizvozvo ini musungwa akasungirwa Tenzi ndinokukumbirai kuti mugare upenyu hunowirirana noupenyu hwamakadaidzirwa. Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare. Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose. Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. Saizvozvo zvinonzi, “Paakakwira kumusoro akatungamirira gurusvusvu ravasungwa akapa zvipo kuvanhu.” Ko, kuti akakwira kumusoro kunoreva kuti kudii? Kunorevawo kuti akambodzika pasi pasi penyika. Iye akadzika ndiyewo akakwira kumusorosoro kwamatenga ose kuti azadze zvinhu zvose. Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe
Verenga chikamu Vaefeso 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 4:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo