“Kana Tenzi Mwari wenyu azokuunzai munyika yamuri kundotora, achakudzingirai marudzi aya avanhu akasimba anoti: vaHiti navaGirigashi navaAmori navaKanani navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Kana Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu, mukavakunda, vaparadzei zvachose. Musaite chitenderano navo kana kuvanzwira tsitsi. Imi navana venyu, musaroorerane navo nokuti vachatsautsa vana venyu pakunditevera vondoshandira vamwe vamwari. Ipapo muchashatirisa Tenzi achibva akuparadzai nokukasika. Izvi ndizvo zvamuchaita navo: muchapaza atari dzavo, moputsa mbiru dzamabwe akateketerwa, mopwanya zvifananidzo zvavo zvezvimiti zvinomiririra Ashera nokupisa nomoto zvifananidzo zvavo zvakavezwa. Ndinodaro nokuti imi muri vanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi Mwari wenyu akakusarudzai pakati pamarudzi ose, apasi pano pose, kuti muve vanhu vake pachake. “Hakusi kuwanda kwenyu kupfuura vamwe kwakaita kuti Tenzi akudei nokukusarudzai nokuti maiva vashoma kwazvo pana mamwe marudzi ose. Asi nokuti Tenzi anokudai, aidawo kuchengetedza chitsidzo chake chaakaita namadzitateguru enyu. Tenzi akakubudisai nesimba guru, akakununurai muuranda hwaFarao mambo weIjipiti. Naizvozvo zivai kuti Tenzi Mwari wenyu ndiye Mwari iyeyo. NdiTenzi akavimbika anochengetedza chitenderano chake, ane mwoyochena kune vanomuda, navanochengeta mitemo yake kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvamazana akazanirana. Asi vanomuvenga anovaranga ivo pachavo achivaparadza. Haambozengurira kuparadza vanomuvenga ivavo. Naizvozvo chengetai zvirevo izvi nemitemo nemirao iyoyi yandinokuudzai nhasi uno.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 7:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo