Kutsinhira Mutemo 34
34
Kufa kwaMosesi
1Mosesi akabva mumapani eMoabhu akaenda kumakomo eNebho akandokwira pamusoro peGomo rePisiga rakatarisana neJeriko. Tenzi ndokumuratidza nyika yose iyoyo kubvira kuGireadhi kusvikira kwaDhani, 2naNafutari yose nenyika yose yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha kusvikira kuGungwa rokumadokero 3nokuNegevhu, nebani reJeriko, guta remiti yemirara kudzamara kuZoari. 4Tenzi akamutaurira achiti, “Ndiyoyi nyika yandakatsidzira vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako. Ndati uione nameso ako, asi hausiri kuzoyambukirako.’ ”
5Naizvozvo Mosesi muranda waTenzi akafira ikoko munyika yeMoabhu sokureva kwaTenzi. 6Akamuviga mubani munyika yeMoabhu pakatarisana neBhetipeori. Asi hakuna anoziva nzvimbo yaakavigwa kusvikira nhasi uno. 7Mosesi akafa ava namakore zana namakumi maviri. Muviri wake wakanga uchakagwinya, maziso ake achinyatsoona zvakanaka. 8VaIsiraeri vakachema Mosesi kwamazuva makumi matatu mumapani eMoabhu kusvikira nguva yokuchema nhamo yorufu rwake yapera.
9Zvino Joshuwa mwanakomana waNuni aiva azere nomweya woungwaru nokuti Mosesi akanga aisa maoko ake pamusoro wake. VaIsiraeri vaimuteerera vachiita zvakanga zvataurirwa Mosesi naTenzi. 10Hakuna kana kuzomuka muporofita muIsiraeri akaita saMosesi aizivana naTenzi uso nouso, 11kana totarisa zviratidzo nezvishamiso zvakatumwa Mosesi naTenzi kundoita munyika yeIjipiti kuna Farao, nokumakurukota ake, nokunyika yake yose. 12Uye kana totarisawo masimba makuru aaiva nawo namabasa makuru anotyisa akaitwa naMosesi vaIsiraeri vose vachiona.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 34: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.