Kutsinhira Mutemo 32
32
1Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura
newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu.
2Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura,
nhauro yangu ichinyava pasi sedova,
zviite semvura iri kunaya paruswiswi,
serupfunhavachembere pazvimerwa zvose,
3nokuti ndava kuparidza zita raTenzi,
nokupembedza ukuru hwaMwari wedu.
4Iye iDombo chairo kusimba!
Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe
nokuti maitiro ake ane ruenzaniso.
Mwari ndiMwari anotendeseka
asina chakaipa maari;
ndiMwari akarurama,
Mwari ari pachokwadi.
5Asi imi hamuna kutendeseka kwaari,
hamukodzeri kuva vanhu vake.
6Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here?
Imi mazipenzi avanhu,
vanhu vasina pfungwa.
Ko haasi iye here baba vako, vakakusika?
Haasi iye here akaita kuti muve rudzi?
7Rangarira mazuva aye ekare,
uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa;
bvunza baba vako, vachakurondedzera,
ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira.
8Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo,
achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo;
aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari.
9Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake,
Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake.
10Akamuwana munyika yegwenga,
ari murenje riya rinongova maungira oga;
Akavaunganidza, akavariritira,
achivachengeta sezai regondo.
11Segondo rinogaririra manyana aro,
richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere,
richitambanudza mapapiro aro,
nokutakura manyana aro,
12Tenzi pachake akamutungamirira,
pasina vamwe vamwari.
13Akamupa nyika iri pakakwirira,
akadya zvirimwa zvomuminda;
akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo,
achiwana mafuta parukangarahwe.
14Kumombe, mukaka wakakora,
kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete,
vaine hwayana nehondohwe dzakakora,
nemombe nembudzi dzokuBhashani,
nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo,
wakanwa mhanga yewaini.
15Asi Jeshuruni,
iwe Isiraeri, wakati wakora, wakatanga kupfacha.
Wakati wakora, wafuta zvokupenya muviri,
wakafuratira Mwari akakusika
ukatsvinyira Dombo, ruponeso rwako.
16Zvokuva navamwe vamwari
zvakamutsa shanje yaMwari,
zvakaipa zvavakaita
zvakanyandura hasha dzaMwari.
17Vakapira zvibayiro kumweya yakaipa,
kumweya yakaipa isiri mwari
kune vamwari vavasingamboziva;
vamwari vanonzi vachangosvikawo mazuva ano
vasina kana kumboremekedzwa namadzibaba avo.
18Wakarega kuita hanya naiyeyu Dombo akakubereka,
ukakanganwa zvako Mwari akakuumba.
19Tenzi akazviona akabva achekana ukama navo,
nokuti akashatiriswa navana vake vakomana navasikana,
20akati regai ndivafuratire,
ndione kuti pavo pachaperera papi;
nokuti chizvarwa chakapanduka,
vana vasingatendeseki.
21Vakandipa kuitira shanje zvinhu zvisiri mwari,
vakavirutsa hasha dzangu navamwari vavo vokuveza.
Saka ndichaitawo kuti
vave neshanje navanhu vasiri rudzi.
Ndichavashatirisa norudzi rwamadzenga.
22Hasha dzangu dzichaita somoto,
uchapisa kusvikira pasi pasi munzvimbo yavakafa.
Ucharoromesa nyika nezvinhu zvayo.
Uchatungidza moto paugaro hwamakomo.
23Ndichaita kuti nhamo dzivamomotere,
miseve yangu ichaperera pavari.
24Vachasara vaondoroka nenzara,
vachaparadzwa nedenda rokupisa muviri.
Vachapera nezvirwere zvinouraya,
ndichavatumira zvikara zvinoruma;
nenyoka dzinozvongonyoka napasi dzine uturu.
25Pachena zvapo chaipo bakatwa,
richaita kuti vapinde nhamo
mudzimba umu kuchingova kutya koga koga.
Nhamo iyoyo haina waichasiya ari mupenyu,
jaya kana mhandara, mucheche nowachena musoro.
26Ndakazviti regai ndivamwararitsire kure kure,
pasave naanovayeukazve mukati mavanhu.
27Asi ndakazeza zvangu kuzvikudza kwaizoita vavengi vavo,
vofunga kuti, ‘Takavakurira nesimba redu pachedu.’
Vachiti, ‘Tenzi haasiri iye akaita zvose izvi,
asi kuti isu nesimba redu ndisu takakurira.’
28“Nokuti vanhu ivava rudzi rwakatenderera musoro,
vanhu vasinganzwisisi.
29Dai vakachenjera vangadai vakanzwisisa izvi,
vangadai vakaziva kuti izvozvi zvichavasvitsa kupi.
30Ko munhu mumwe angadzinge sei chiuru chavanhu?
Ko vanhu vaviri vangakwanise kudzinga
gumi rezviuru zvevanhu here?
Zvingaitike chete kana iye Dombo ravo
avaisa mumaoko evavengi vavo;
uyewo kana Tenzi avaramwira mumaoko avavengi vavo.
31Nokuti iye dombo ravo akasiyana naMwari Dombo redu
kana vavengi vedu vanotonyatsozviona.
32Vanhu ivava vakaromba mbeu
dzomugirepisi younzenza kuSodhomu,
neyokuminda yeGomora.
Magirepisi avo muchetura chaiwo,
zvisumbu zvemagirepisi avo indye chaiyo kuvava.
33Waini yavo ichepfu yenyoka chaiyo,
uturu chaihwo hwemhakure.
34Heya munoti izvozvi handina kuzvichengeta
mudura remwoyo wangu here,
ndikanyatsozvipfundira?
35Kutsiva ndokwangu, kudzosera ndokwangu.
Nguva ichasvika yokuti rutsoka rwavo rwutsvedzemuke,
nokuti zuva renjodzi yavo rava kusvika,
kuparara kwavo kuchaitika nokukurumidza.
36Asi Tenzi achanunura vanhu vake,
achanzwira tsitsi varanda vake,
vakatapwa kana vasina
paanenge aona kuti varukutika havachisina simba,
havachaziva chokuita.
37Ndopaachati, ‘Ko vamwari vavo varipiko,
dombo ravoka ravaipotera naro;’
38vamwari vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,
vachinwa waini yemipiro yezvokunwa?
Ngavachisimukaka vakubatsire,
ngavachikudziviriraka!
39Zvino chizivai kuti Ini Iyeni pano ndini iye.
Hakuna mumwe mwari kunze kwangu.
Ndini ndinouraya, uye ndini ndinopa upenyu.
Ndinokuvadza uye ndinoporesa,
hakuna anganunure chinhu chiri mumaoko angu.
40Ndinosumudza ruoko rwangu kudenga ndichiti,
‘Chokwadi ndinopika neni pachangu,
ini Mwari mupenyu.’
41Pandicharodza bakatwa rangu rinohwituka kupenya,
ndinenge ndongoda kuona kuti ruenzaniso rwaitwa here!
Ndichatsividza vavengi vangu, ndigoranga vanondivenga.
42Ndichaita kuti miseve yangu
iyerere ropa, renhapwa nerevanenge vaurayiwa,
vakuru vakuru vanondivenga,
bakatwa rangu richivaita kanyama kanyama.
43Imi ndudzi dzose pemberai mufare navanhu vaMwari,
nokuti achatsividza ropa ravaranda vake.
Achatsiva vavengi vake, nokuchenura nyika yavanhu vake.”
44Mosesi akauya akadetemba mazwi ose erwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, aiva naJoshuwa mwanakomana waNuni.
Mashoko aMosesi okupedzesera
45Mosesi paakapedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsiraeri vose 46akati, “Pfundirai mumwoyo yenyu mashoko ose aya andakupai nhasi uno kuti muti vana venyu vanyatsochengeta zvose zvinorehwa nomutemo uyu. 47Ndinodaro nokuti haasi mashoko asina maturo, asi ndiwo upenyu hwenyu. Mashoko iwaya ndiwo achakuraramisai kwenguva ndefu munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.”
Mosesi anofanonyeverwa zvorufu rwake
48Musi iwoyo Tenzi akataurira Mosesi achiti, 49“Chienda kumakomo eAbharimu ari munyika yeMoabhu, undokwira mugomo reNebho, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKanani yandiri kupa vaIsiraeri kuti ive yavo. 50Uchandofira ikoko mugomo raunenge wakwira, uchienda zvako kune hama dzako vashakabvu, sezvakaita mukoma wako Aroni akafira mugomo reHoru akaenda kwakaenda vamwe vokwake, 51nokuti hamuna kuvimba neni pane vanhu paye pamvura yeMeribha kuKadheshi murenje reZini. Hamuna kundieresa pakati pevaIsiraeri. 52Naizvozvo uchaona nyika iyoyo iri mhiri, asi hausiri kuzondopinda munyika yandiri kupa vaIsiraeri.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 32: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.