Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 27:1-26

Kutsinhira Mutemo 27:1-26 SCLB

Mosesi pamwechete navakuru vakuru vevaIsiraeri vakataurira vanhu kuti, “Chengetai mirao yose yandiri kukuudzai nhasi uno. Musi wauchayambuka Jorodhani uchipinda munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako unofanira kumisa mhitsa dzamabwe uadzurure, unyore paari zvirevo zvose zviri mumutemo uyu pauchayambuka uchipinda munyika yakanaka yomukaka nouchi yauri kupiwa naTenzi Mwari wako sokutsidzira kwawakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba ako. Kana wayambuka Jorodhani wava paGomo reEbhari ndopaunomisa mabwe iwayo andiri kukurayira nhasi uno, woadzurura. Uvakire ipapo Tenzi Mwari wako atari yematombo. Usaabate-bate kana kuaveza nesimbi. Vakira Tenzi Mwari wako atari yematombo asina kuvezwa, ugopira mipiro yokupisa kuna Tenzi Mwari wako. Upire mupiro wokuwadzana uudyire ipapo pana Tenzi Mwari wako uchifara zvako. Unofanira kunyora zvinonyatsoonekwa mazwi ose omutemo iwoyu, pamabwe aye.” Ipapo Mosesi navapristi vechiRevhi vakataurira vaIsiraeri vose kuti, “VaIsiraeriwe-e, nyararai munzwe, nhasi mava vanhu vaTenzi Mwari wenyu. Naizvozvo teererai izwi raTenzi Mwari wenyu muchengete mitemo nemirao yake yandiri kukuudzai nhasi uno.” Musi iwoyo Mosesi akakomekedza vanhu achiti, “Kana mayambuka Jorodhani vokwaSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naJosefi naBhenjamini, vachamira paGomo reGerizimu vachikomborera vanhu. VokwaRubheni naGadhi naAsheri naZebhuruni naDhani naNafutari, vachamirawo paGomo reEbhari, varengerere nokushurikidza. Ipapo vaRevhi vachadaidzira vachitaurira vanhu vose vaIsiraeri kuti: “ ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anoveza kana kugadzira chifananidzo chesimbi, chinhu chisingambodiwi naTenzi chakatoitwa zvacho namaoko emhizha, chikamiswa muchivande.’ Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoshora baba vake kana amai vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaave norushambwa munhu anosudurudza chitata chamabwe chomuganho womumwe wake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anorasikisa bofu nzira yaro. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoti kana otonga mhosva yomutorwa kana yenherera kana yechirikadzi osiya zviri pamurao. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba wake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita zvoupombwe nemhuka. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita upombwe nehanzvadzi yake. Ingave hanzvadzi yake yokuti baba chete ndivo vamwechete naye kana kuti amai chete ndivo vamwechete naye. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anovata navambuya vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoponda mumwe muchivande. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotengwa kuti auraye munhu asina mhosva. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu asingabvume zvatemwa nomurao uyu kuti auchengete. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’