Dhuteronomi 27:1-26
Dhuteronomi 27:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi. Zvino nomusi wamunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko; ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako. Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko. Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako atari, atari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo. Unofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa. Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako. Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo. Zvino Mosesi navapristi navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, “Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako. Naizvozvo unofanira kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.” Mosesi akaraira vanhu nomusi uyo, akati, “Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini. Uye ndivo vanofanira kundomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.” Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nezwi guru, “Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unotongera “Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
Dhuteronomi 27:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mosesi pamwechete navakuru vakuru vevaIsiraeri vakataurira vanhu kuti, “Chengetai mirao yose yandiri kukuudzai nhasi uno. Musi wauchayambuka Jorodhani uchipinda munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako unofanira kumisa mhitsa dzamabwe uadzurure, unyore paari zvirevo zvose zviri mumutemo uyu pauchayambuka uchipinda munyika yakanaka yomukaka nouchi yauri kupiwa naTenzi Mwari wako sokutsidzira kwawakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba ako. Kana wayambuka Jorodhani wava paGomo reEbhari ndopaunomisa mabwe iwayo andiri kukurayira nhasi uno, woadzurura. Uvakire ipapo Tenzi Mwari wako atari yematombo. Usaabate-bate kana kuaveza nesimbi. Vakira Tenzi Mwari wako atari yematombo asina kuvezwa, ugopira mipiro yokupisa kuna Tenzi Mwari wako. Upire mupiro wokuwadzana uudyire ipapo pana Tenzi Mwari wako uchifara zvako. Unofanira kunyora zvinonyatsoonekwa mazwi ose omutemo iwoyu, pamabwe aye.” Ipapo Mosesi navapristi vechiRevhi vakataurira vaIsiraeri vose kuti, “VaIsiraeriwe-e, nyararai munzwe, nhasi mava vanhu vaTenzi Mwari wenyu. Naizvozvo teererai izwi raTenzi Mwari wenyu muchengete mitemo nemirao yake yandiri kukuudzai nhasi uno.” Musi iwoyo Mosesi akakomekedza vanhu achiti, “Kana mayambuka Jorodhani vokwaSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naJosefi naBhenjamini, vachamira paGomo reGerizimu vachikomborera vanhu. VokwaRubheni naGadhi naAsheri naZebhuruni naDhani naNafutari, vachamirawo paGomo reEbhari, varengerere nokushurikidza. Ipapo vaRevhi vachadaidzira vachitaurira vanhu vose vaIsiraeri kuti: “ ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anoveza kana kugadzira chifananidzo chesimbi, chinhu chisingambodiwi naTenzi chakatoitwa zvacho namaoko emhizha, chikamiswa muchivande.’ Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoshora baba vake kana amai vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaave norushambwa munhu anosudurudza chitata chamabwe chomuganho womumwe wake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anorasikisa bofu nzira yaro. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoti kana otonga mhosva yomutorwa kana yenherera kana yechirikadzi osiya zviri pamurao. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba wake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita zvoupombwe nemhuka. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita upombwe nehanzvadzi yake. Ingave hanzvadzi yake yokuti baba chete ndivo vamwechete naye kana kuti amai chete ndivo vamwechete naye. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anovata navambuya vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoponda mumwe muchivande. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotengwa kuti auraye munhu asina mhosva. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu asingabvume zvatemwa nomurao uyu kuti auchengete. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
Dhuteronomi 27:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi. Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko. Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. Zvino kana muchinge mayambuka Jorodhani, misai mabwe aya paGomo reEbhari, sezvandakurayirai nhasi, mugoapenda nesuko. Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu ipapo, aritari yamabwe. Musashandisa simbi pakumisa mabwe aya. Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu namabwe asina kuvezwa uye mugobayirapo kuna Jehovha Mwari wenyu zvipiriso zvinopiswa. Mubayire zvipiriso zvokuwadzana ipapo, muzvidye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu. Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.” Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.” Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti: Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimu kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini. Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari. VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti: “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.” “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
Dhuteronomi 27:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi. Zvino nomusi wamunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko; ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako. Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko. Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako atari, atari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo. Unofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa. Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako. Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo. Zvino Mosesi navapristi navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, “Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako. Naizvozvo unofanira kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.” Mosesi akaraira vanhu nomusi uyo, akati, “Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini. Uye ndivo vanofanira kundomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.” Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nezwi guru, “Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unotongera “Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
Dhuteronomi 27:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi pamwechete navakuru vakuru vevaIsiraeri vakataurira vanhu kuti, “Chengetai mirao yose yandiri kukuudzai nhasi uno. Musi wauchayambuka Jorodhani uchipinda munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako unofanira kumisa mhitsa dzamabwe uadzurure, unyore paari zvirevo zvose zviri mumutemo uyu pauchayambuka uchipinda munyika yakanaka yomukaka nouchi yauri kupiwa naTenzi Mwari wako sokutsidzira kwawakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba ako. Kana wayambuka Jorodhani wava paGomo reEbhari ndopaunomisa mabwe iwayo andiri kukurayira nhasi uno, woadzurura. Uvakire ipapo Tenzi Mwari wako atari yematombo. Usaabate-bate kana kuaveza nesimbi. Vakira Tenzi Mwari wako atari yematombo asina kuvezwa, ugopira mipiro yokupisa kuna Tenzi Mwari wako. Upire mupiro wokuwadzana uudyire ipapo pana Tenzi Mwari wako uchifara zvako. Unofanira kunyora zvinonyatsoonekwa mazwi ose omutemo iwoyu, pamabwe aye.” Ipapo Mosesi navapristi vechiRevhi vakataurira vaIsiraeri vose kuti, “VaIsiraeriwe-e, nyararai munzwe, nhasi mava vanhu vaTenzi Mwari wenyu. Naizvozvo teererai izwi raTenzi Mwari wenyu muchengete mitemo nemirao yake yandiri kukuudzai nhasi uno.” Musi iwoyo Mosesi akakomekedza vanhu achiti, “Kana mayambuka Jorodhani vokwaSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naJosefi naBhenjamini, vachamira paGomo reGerizimu vachikomborera vanhu. VokwaRubheni naGadhi naAsheri naZebhuruni naDhani naNafutari, vachamirawo paGomo reEbhari, varengerere nokushurikidza. Ipapo vaRevhi vachadaidzira vachitaurira vanhu vose vaIsiraeri kuti: “ ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anoveza kana kugadzira chifananidzo chesimbi, chinhu chisingambodiwi naTenzi chakatoitwa zvacho namaoko emhizha, chikamiswa muchivande.’ Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoshora baba vake kana amai vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaave norushambwa munhu anosudurudza chitata chamabwe chomuganho womumwe wake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anorasikisa bofu nzira yaro. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoti kana otonga mhosva yomutorwa kana yenherera kana yechirikadzi osiya zviri pamurao. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba wake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita zvoupombwe nemhuka. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita upombwe nehanzvadzi yake. Ingave hanzvadzi yake yokuti baba chete ndivo vamwechete naye kana kuti amai chete ndivo vamwechete naye. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anovata navambuya vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoponda mumwe muchivande. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotengwa kuti auraye munhu asina mhosva. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu asingabvume zvatemwa nomurao uyu kuti auchengete. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
Dhuteronomi 27:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi naʋakuru ʋaIsraeri ʋakaraira ʋanhu, ʋakati: Ceŋgetai mirairo yose yandinokurairai nhasi. Ɀino nomusi wamunoyambuka Joridani mucipinda munyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, unofanira kuɀimisira mabge makuru nokuacenesa nesuko; ugonyora pamsoro pawo mashoko ose omurairo uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehova Mŋari wako, nyika inoyerera mukaka noʋuci, seɀawakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako. Ɀino kana mayambuka Joridani, munofanira kumisa mabge iwayo, seɀandinokurairai nhasi, pagomo reEbari, nokuacenesa nesuko. Ipapo unofanira kuʋakira’po Jehova Mŋari wako artari, artari yamabge; haufaniri kusimudzira nhumbi yeɗare pamsoro payo. Unofanira kuʋaka artari yaJehova Mŋari wako namabge asina‐kuʋezwa, ugoɓayira’po Jehova Mŋari wako ɀipiriso ɀinopiswa. Unofanira kuɓayira’po ɀipiriso ɀokuyananisa, nokudya’po; unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako. Unofanira kunyora pamsoro pamabge awo mashoko ose omurairo uyu, ɀiʋonekwe kwaɀo. Ɀino Mosesi naʋaprista naʋaRevi ʋakataura naʋaIsraeri ʋose, ʋakati: Iwe Israeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehova Mŋari wako. Naiɀoɀo unofanira kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, uite mirairo yake neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi. Mosesi akaraira ʋanhu nomusi uyo, akati: Ndiʋo ʋanofanira kundomira pamsoro pegomo reGerizimi, kuti ʋaropafadze ʋanhu, kana mayambuka Joridani: Simeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naJosefa, naBenjamini. Ʋuye ndiʋo ʋanofanira kundomira pagomo reEbari, kuti ʋaʋatuke: Rubeni, naGadi, naAsheri, naZeburuni, naDani, naNaftari. Ɀino ʋaRevi ʋanofanira kupindura, ʋaciti kuʋarume ʋose ʋaIsraeri nenzwi guru: Ŋgaatukwe munhu unoita mufananidzo wakaʋezwa, kana wakaʋumbga, unonyaŋgadza Jehova, riri ɓasa ramaʋoko emhizha, aciumisa pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kupindura, ʋaciti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoɀidza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoshandura muganho wehama yake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unotsausa ɓofu panzira. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unotoŋgera mutorwa nenherera necirikadzi ɀisakarurama. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoʋata nomukadzi waɓaɓa ʋake, nokuti wafukura nhere yaɓaɓa ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoʋata nemhuka ipi neipi. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoʋata nehanɀadzi yake, kana nomŋanasikana waɓaɓa ʋake, kana nomŋanasikana wamai ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoʋata namai ʋomukadzi wake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unoroʋa wokwake pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu unogamucira fufuro kuti aʋuraye mumŋe usinemhoȿa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni. Ŋgaatukwe munhu usiŋgasimbisi mashoko omurairo uyu, nokuaita. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.