Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 27

27
Ɀaʋanofanira kuita kana ʋaȿika Kanani.
1Ɀino Mosesi naʋakuru ʋaIsraeri ʋakaraira ʋanhu, ʋakati: Ceŋgetai mirairo yose yandinokurairai nhasi. 2Ɀino nomusi wamunoyambuka Joridani mucipinda munyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, unofanira kuɀimisira mabge makuru nokuacenesa nesuko; 3ugonyora pamsoro pawo mashoko ose omurairo uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehova Mŋari wako, nyika inoyerera mukaka noʋuci, seɀawakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako. 4Ɀino kana mayambuka Joridani, munofanira kumisa mabge iwayo, seɀandinokurairai nhasi, pagomo reEbari, nokuacenesa nesuko. 5Ipapo unofanira kuʋakira’po Jehova Mŋari wako artari, artari yamabge; haufaniri kusimudzira nhumbi yeɗare pamsoro payo. 6Unofanira kuʋaka artari yaJehova Mŋari wako namabge asina‐kuʋezwa, ugoɓayira’po Jehova Mŋari wako ɀipiriso ɀinopiswa. 7Unofanira kuɓayira’po ɀipiriso ɀokuyananisa, nokudya’po; unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako. 8Unofanira kunyora pamsoro pamabge awo mashoko ose omurairo uyu, ɀiʋonekwe kwaɀo.
9Ɀino Mosesi naʋaprista naʋaRevi ʋakataura naʋaIsraeri ʋose, ʋakati: Iwe Israeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehova Mŋari wako. 10Naiɀoɀo unofanira kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, uite mirairo yake neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi.
11Mosesi akaraira ʋanhu nomusi uyo, akati: 12Ndiʋo ʋanofanira kundomira pamsoro pegomo reGerizimi, kuti ʋaropafadze ʋanhu, kana mayambuka Joridani: Simeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naJosefa, naBenjamini. 13Ʋuye ndiʋo ʋanofanira kundomira pagomo reEbari, kuti ʋaʋatuke: Rubeni, naGadi, naAsheri, naZeburuni, naDani, naNaftari. 14Ɀino ʋaRevi ʋanofanira kupindura, ʋaciti kuʋarume ʋose ʋaIsraeri nenzwi guru:
15Ŋgaatukwe munhu unoita mufananidzo wakaʋezwa, kana wakaʋumbga, unonyaŋgadza Jehova, riri ɓasa ramaʋoko emhizha, aciumisa pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kupindura, ʋaciti: Ameni.
16Ŋgaatukwe munhu unoɀidza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
17Ŋgaatukwe munhu unoshandura muganho wehama yake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
18Ŋgaatukwe munhu unotsausa ɓofu panzira. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
19Ŋgaatukwe munhu unotoŋgera mutorwa nenherera necirikadzi ɀisakarurama. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
20Ŋgaatukwe munhu unoʋata nomukadzi waɓaɓa ʋake, nokuti wafukura nhere yaɓaɓa ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
21Ŋgaatukwe munhu unoʋata nemhuka ipi neipi. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
22Ŋgaatukwe munhu unoʋata nehanɀadzi yake, kana nomŋanasikana waɓaɓa ʋake, kana nomŋanasikana wamai ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
23Ŋgaatukwe munhu unoʋata namai ʋomukadzi wake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
24Ŋgaatukwe munhu unoroʋa wokwake pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
25Ŋgaatukwe munhu unogamucira fufuro kuti aʋuraye mumŋe usinemhoȿa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
26Ŋgaatukwe munhu usiŋgasimbisi mashoko omurairo uyu, nokuaita. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 27: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda