Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 26

26
Ɀitȿa neɀegumi ɀinofanira kupiwa Jehova.
1Ɀino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako, ikaʋa yako, ukagara’mo; 2unofanira kutora ɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀose ɀenyika, ɀaunowana panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, ndokuɀiisa muɗeŋgu, ndokuenda naɀo kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise’po zita rake. 3Ɀino uende kumuprista ucaʋa’po pamazuʋa iwayo, uti kwaari: Ndinoreʋa pacena nhasi pamberi paJehova Mŋari wako, kuti ndaȿika panyika yakapikirwa madziɓaɓa eɗu naJehova, kuti ucatipa iyo. 4Ipapo muprista unofanira kutora ɗeŋgu paruʋoko rwako, ndokurigadza pamberi peartari yaJehova Mŋari wako. 5Iwe ugopupura, uciti pamberi paJehova Mŋari wako: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋari muArameya, mufambi wakaŋga oɗo‐kuparara, akaɓurukira Egipita, akagara’po, anaʋanhu ʋashoma haʋo; ʋakaitwa’po rudzi rukuru, runesimba, runaʋanhu ʋazhinji. 6ƲaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, nokutitambudza, ʋakatiɓatisa maɓasa anorema. 7Ipapo takaɗana kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, Jehova akanzwa inzwi reɗu, akaʋona kutambudzika kweɗu, namaɓasa eɗu, nokuremedzwa kweɗu; 8Jehova akatiɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, neɀinotyisa, neɀiratidzo, neɀishamiso; 9akatiȿitsa panɀimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka noʋuci. 10Ɀino tarira, ndaʋuya neɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀenyika yamakandipa, imi Jehova. Ipapo unofanira kuɀiisa pasi pamberi paJehova Mŋari wako; ndokunamata pamberi paJehova Mŋari wako. 11Unofanira kufarira ɀose ɀakanaka, ɀaunopiwa naJehova Mŋari wako, iwe, naʋeimba yako, nomuRevi, nomutorwa uri pakati pako.
12Ɀino kana wapedza kutsaura ɀegumi ɀeɀiɓereko ɀako ɀose negore recitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura ɀegumi, unofanira kuɀipa muRevi, nomutorwa, nenherera, necirikadzi, kuti ʋadye mukati mamasuʋo ako, ʋagute. 13Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehova Mŋari wako, uciti: Ndabvisa mumba maŋgu ɀinhu ɀakatsaurwa, ndikaɀipa muRevi, nomutorwa, nenherera, necirikadzi, ɀose seɀamakandiraira; handina‐kuɗarika mumŋe wemirairo yenyu, kana kuikaŋganwa. 14Handina‐kuɀidya pakucema kwaŋgu, kana kuʋiga ɀimŋe ɀaɀo, ndisinakunaka, kana kupa ʋakafa ɀimŋe ɀaɀo; ndakaterera inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ndikaita ɀose ɀamakandiraira. 15Ƌotarirai muri paʋugaro bgenyu bgutȿene, pakuɗeŋga, muropafadze ʋanhu ʋenyu Israeri, nenyika yamakatipa, seɀamakapikira madziɓaɓa eɗu, nyika inoyerera mukaka noʋuci.
16Nhasi Jehova Mŋari wako unokuraira kuti uite iɀi ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa; naiɀoɀo unofanira kuɀiceŋgeta nokuɀiita nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose. 17Wapikisa Jehova nhasi kuti aʋe Mŋari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, neɀaakatoŋga, ʋuye kuti ucaterera inzwi rake. 18NaJehova wakakupikisa iwe kuti ucaʋa rudzi rwake cairwo, seɀaakakupikira, ʋuye kuti ucaceŋgeta mirairo yake yose; 19kuti akukurise kwaɀo kupfuʋura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uʋe rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako, seɀaakataura.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 26: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda