“Takasimuka tichibva paHorebhu tikapfuura nomuzigwenga guru rinotyisa riya ramakaona munzira yokumakomo omunyika yavaAmori sokurayirwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu. Takazosvika kuKadheshibharinea. Ipapo ndakati kwamuri, ‘Zvino mazosvika kumakomo omunyika yavaAmori yatinopiwa naTenzi Mwari wedu. Chitarisai muone nyika yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. Chiendai mundoitora sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wamadzibaba enyu. Regai kutya kana kuzeza.’ Mose makauya kwandiri mukati, ‘Ngatitumei varume vanoenda kundotisorera nyika iyoyo, vanozodzoka votiudza nzira yokuenda nayo namaguta atingasvikire.’
“Ndakafadzwa nazvo, ndikasarudza varume gumi navaviri ndichitora murume mumwechete mudzinza roga roga. Vakasumuka vakaenda nokunyika yemakomo, vakandosvika kubani reEshikoru vakarisora. Vakadzoka vakabata mumaoko mimwe michero yenyika iyoyo yavakativigira. Vakatiunzirawo shoko rokuti, ‘Nyika yatiri kupiwa naTenzi Mwari wedu yakanaka.’
“Asi makaramba kuendako mukatoita zvenyu zvakapesana nezvakarayirwa naTenzi Mwari wenyu. Makanyunyuta muri mumatendhe enyu muchiti, ‘Tenzi anotivenga, saka akatiburitsa kuIjipiti kuzotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. Zvino toendepiko? Hama dzedu dzatiodza mwoyo dzichiti, Vanhu veko ihofori dzavanhu, vakareba kupfuura isu. Maguta avo makuru ane nhungamakore dzamasvingo. Takaonawo hofori dzokwaAnakimu dziriko.’
“Asi ini ndakakutii, regai kuvazeza kana kuvatya. Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano. Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu. Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore.
“Tenzi akanzwa zvamakareva zvikamutsamwisa. Akapika achiti, ‘Hakuna nomumwe wechizvarwa ichi chakaipa achazoona nyika yakanaka yandakatsidzira kupa madzibaba enyu kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, ndiye achaiona. Iye navana vake, ndichavapa nyika yaakambotsika nokuti akateerera Tenzi nomwoyo wake wose.’ Kunyange neni, Tenzi akanditsamwirawo pamusana penyu akati, ‘Newewo hauchambomupinda.’ Joshuwa mwanakomana waNuni waunaye, ndiye achapindamo. Mukurudzire nokuti ndiye achatungamirira vaIsiraeri pakutora nhaka iyoyo.
“Asi pwere dzenyu dzamakati dzichatapwa pamwechete navana venyu vasati vaziva chakanaka kana chakaipa pari nhasi, ndivo vachapindamo, uye ndivo vandichapa nyika iyoyo kuti ive yavo. Zvino imimi chisimukai mupindukire kurenje, munopinda munzira yokuGungwa Dzvuku.
“Imi makandipindura muchiti, ‘Tatadzira Tenzi. Zvino tava kuenda zvedu kundorwa sokuudzwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu.’ Ipapo mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo zvake, muchitofunga zvenyu kuti inyore kukwira kunyika yamakomo.
“Tenzi akanditi, ‘Vaudze kuti; regai zvokuenda kundorwa nokuti handinemi mungandokurirwa navavengi venyu.’ Ndakakuudzai asi makaramba kunzwa. Makatoita zvenyu zvakapesana nezvavakaudzwa naTenzi, mukaita zvokuzvikudza muchienda kunyika yokumakomo. VaAmori vagere munyika yamakomo vakakubudirai vakakudzingirirai senyuchi, vakakurizhai kubvira paSeiri kundosvika kuHoruma. Makadzoka mukachema kuna Tenzi, asi Tenzi haana kunzwa kuchema kwenyu kana kuteerera kwamuri. Ndokusaka makagara paKadheshi kwenguva ndefu, iya yamakagarapo.