Dhuteronomi 1:19-46
Dhuteronomi 1:19-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo takasimuka kubva paHorebhi tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu. Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.” Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatisorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.” Pfungwa iyoyo yakanga yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe. Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaisora. Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.” Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu. Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’ ” Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya. Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo, uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.” Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu, iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo. Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti, “Hakungavi nomunhu mumwe wechizvarwa ichi achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye nezvizvarwa zvake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.” Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi. Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora. Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.” Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwidza kunyika yamakomo. Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwidza kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’ ” Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo. VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma. Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri. Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.
Dhuteronomi 1:19-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea. Ndikati kwamuri, ‘Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.’ “Ipapo imi makaswedera mose kwandiri, mukati, ‘Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.’ “Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe. Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora. Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, ‘Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’ “Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu; mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, ‘Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeIjipiti, kuti atiise mumaoko avaAmori, kuti atiparadze. Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa mwoyo yedu,’ dzichiti, ‘Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaEnaki.’ “Ipapo ini ndakati kwamuri, ‘Musavhunduka henyu, kana kuvatya. Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu, nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’ Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu; iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati. “Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti, ‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nokuti iye wakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, ‘Newewo haungapindi ikoko; “ ‘Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo.’ “Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo. Asi kana murimi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa Dzvuku. Zvino imi mukapindura, mukati kwandiri, ‘Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.’ Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo. “Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.’ Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo. Zvino vaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma. Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera izwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake. Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo.
Dhuteronomi 1:19-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Takasimuka tichibva paHorebhu tikapfuura nomuzigwenga guru rinotyisa riya ramakaona munzira yokumakomo omunyika yavaAmori sokurayirwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu. Takazosvika kuKadheshibharinea. Ipapo ndakati kwamuri, ‘Zvino mazosvika kumakomo omunyika yavaAmori yatinopiwa naTenzi Mwari wedu. Chitarisai muone nyika yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. Chiendai mundoitora sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wamadzibaba enyu. Regai kutya kana kuzeza.’ Mose makauya kwandiri mukati, ‘Ngatitumei varume vanoenda kundotisorera nyika iyoyo, vanozodzoka votiudza nzira yokuenda nayo namaguta atingasvikire.’ “Ndakafadzwa nazvo, ndikasarudza varume gumi navaviri ndichitora murume mumwechete mudzinza roga roga. Vakasumuka vakaenda nokunyika yemakomo, vakandosvika kubani reEshikoru vakarisora. Vakadzoka vakabata mumaoko mimwe michero yenyika iyoyo yavakativigira. Vakatiunzirawo shoko rokuti, ‘Nyika yatiri kupiwa naTenzi Mwari wedu yakanaka.’ “Asi makaramba kuendako mukatoita zvenyu zvakapesana nezvakarayirwa naTenzi Mwari wenyu. Makanyunyuta muri mumatendhe enyu muchiti, ‘Tenzi anotivenga, saka akatiburitsa kuIjipiti kuzotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. Zvino toendepiko? Hama dzedu dzatiodza mwoyo dzichiti, Vanhu veko ihofori dzavanhu, vakareba kupfuura isu. Maguta avo makuru ane nhungamakore dzamasvingo. Takaonawo hofori dzokwaAnakimu dziriko.’ “Asi ini ndakakutii, regai kuvazeza kana kuvatya. Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano. Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu. Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore. “Tenzi akanzwa zvamakareva zvikamutsamwisa. Akapika achiti, ‘Hakuna nomumwe wechizvarwa ichi chakaipa achazoona nyika yakanaka yandakatsidzira kupa madzibaba enyu kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, ndiye achaiona. Iye navana vake, ndichavapa nyika yaakambotsika nokuti akateerera Tenzi nomwoyo wake wose.’ Kunyange neni, Tenzi akanditsamwirawo pamusana penyu akati, ‘Newewo hauchambomupinda.’ Joshuwa mwanakomana waNuni waunaye, ndiye achapindamo. Mukurudzire nokuti ndiye achatungamirira vaIsiraeri pakutora nhaka iyoyo. “Asi pwere dzenyu dzamakati dzichatapwa pamwechete navana venyu vasati vaziva chakanaka kana chakaipa pari nhasi, ndivo vachapindamo, uye ndivo vandichapa nyika iyoyo kuti ive yavo. Zvino imimi chisimukai mupindukire kurenje, munopinda munzira yokuGungwa Dzvuku. “Imi makandipindura muchiti, ‘Tatadzira Tenzi. Zvino tava kuenda zvedu kundorwa sokuudzwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu.’ Ipapo mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo zvake, muchitofunga zvenyu kuti inyore kukwira kunyika yamakomo. “Tenzi akanditi, ‘Vaudze kuti; regai zvokuenda kundorwa nokuti handinemi mungandokurirwa navavengi venyu.’ Ndakakuudzai asi makaramba kunzwa. Makatoita zvenyu zvakapesana nezvavakaudzwa naTenzi, mukaita zvokuzvikudza muchienda kunyika yokumakomo. VaAmori vagere munyika yamakomo vakakubudirai vakakudzingirirai senyuchi, vakakurizhai kubvira paSeiri kundosvika kuHoruma. Makadzoka mukachema kuna Tenzi, asi Tenzi haana kunzwa kuchema kwenyu kana kuteerera kwamuri. Ndokusaka makagara paKadheshi kwenguva ndefu, iya yamakagarapo.
Dhuteronomi 1:19-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino takasimuka paHorebi, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaʋona panzira yokumakomo aʋaAmori, seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; tikaȿika paKadeshi‐barnea. Ndikati kwamuri: Maȿika panyika yamakomo yaʋaAmori, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu. Tarirai, Jehova, Mŋari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, seɀamakaʋudzwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; musatya kana kuvunduka. Ipapo imi makasweɗera mose kwandiri, mukati: Ŋgatitume ʋarume ʋatituŋgamirire, ʋatishorere nyika, ʋagoʋuya kuzotiʋudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta aticandoȿika kwaari. Shoko iro rikandifadza; ndikatsaura ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pakati penyu, murume mumŋe kurudzi rumŋe norumŋe. Iʋo ʋakaenda, ʋakakwira mugomo, ʋakaȿika mumupata weEshkori, ʋakaishora. Ʋakatora mimŋe micero yenyika mumaʋoko aʋo, ʋakaɓurukira kwatiri nayo, ʋakadzoka neshoko kwatiri, ʋakati: Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu. Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehova Mŋari wenyu; mukanyunyuta mumatente enyu, mukati: Jehova wakatiʋeŋga, saka wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, kuti atiise mumaʋoko aʋaAmori, kuti atiparadze. Ɀino ticaendepiko? Hama dzeɗu dzanyawusa mŋoyo yeɗu, dziciti: Ʋanhu aʋo ʋanotikunda nokukura nokureɓa; maguta makuru, akakombga namaȿiŋgo anoȿika kuɗeŋga; ʋuye, takaʋonako ʋana ʋaEnaki. Ipapo ini ndikati kwamuri: Musavunduka henyu, kana kuʋatya. Jehova Mŋari wenyu unokutuŋgamirirai, iye ucakurwirai, seɀaakakuitirai ɀose paEgipita pamberi penyu, nomurenje pamakaʋona muɓerekerwe wamakaɓerekwa nawo naJehova Mŋari wenyu, somunhu unoɓereka mŋana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimana muciȿika panɀimbo iyi. Asi pacinhu ici hamuna‐kutenda Jehova Mŋari wenyu; iye wakakutuŋgamirirai panzira, kuti akutȿakirei pamuŋgadzika matente enyu, nomŋoto ʋusiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, ʋuye negore masikati. Ɀino Jehova akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamŋa, akapika, aciti: Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋanhu aʋa, ʋorudzi urwu rwakaipa, ucaʋona nyika yakanaka, yandakapika ndiciti ndicaipa madziɓaɓa enyu, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, ndiye ucaiʋona; ndicamupa iye naʋana ʋake nyika yaakatsika, nokuti iye wakateʋera Jehova nomŋoyo wose. Jehova akanditsamŋira neni ʋo nokuɗa kwenyu, akati: Newe ʋo hauŋgapindi ikoko; Joshua, mŋanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye ucapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye ucagarisa ʋaIsraeri nhaka yaʋo. Ʋana ʋenyu ʋaɗuku, ʋamakati ʋacatapxa, naʋana ʋenyu ʋasiŋgaziʋi nhasi ɀakanaka neɀakaipa, ndiʋo ʋacapinda ikoko; ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo. Asi kana muri’mi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGuŋgwa Dɀuku. Ɀino imi mukapindura, mukati kwandiri: Takatadzira Jehova, ticakwira heɗu tindorwa, ɀose seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu. Mukashoŋga mumŋe nomumŋe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukaɗa kukwira mugomo. Ɀino Jehova akati kwandiri: Uti kwaʋari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu. Naiɀoɀo ndakataura nemi, asi makaramba kunditerera; asi makamukira murairo waJehova, mukaita manyawi, mukakwira mugomo. Ɀino ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere mugomo iro, ʋakaɓuɗa kuzorwa nemi, ʋakakudziŋgai, seɀinoita nyuci, ʋakakuparadzai kuȿikira paHorma. Ipapo makadzoka, mukacema pamberi paJehova, asi Jehova haana‐kuterera inzwi renyu, kana kurerekera nzeʋe dzake. Naiɀoɀo makagara paKadeshi mazuʋa mazhinji, ŋguʋa yamakagara’po.
Dhuteronomi 1:19-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)