Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:19-28

Dhanieri 6:19-28 SCLB

Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake. Mambo akatema chirevo, varume vaya vaipomera Dhanieri mhosva vakabva vauyiwa navo vakakandwawo mugomba reshumba, ivo navana vavo pamwechete navakadzi vavo. Vasati vatombosvika pasi pegomba iroro shumba dzakavaita dzakurira dzikapwapwanyura mapfupa avo. Ipapo mambo Dhariusi akanyorera tsamba kumarudzi ose avanhu nendudzi dzose zvadzo ndimi nendimi dzavagere pasi pano pose achiti: “Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi. Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri: “Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu anogara narini narini wose. Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa, hutongi hwake huchavako kudzamara kumagumo chaiko. “Anonunura uye anoponesa, anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napasi iye akanunura Dhanieri mukanwa meshumba.” Nokudaro Dhanieri akabudirira kwazvo panguva dzokutanga kwaDhariusi uyewo dzokutonga kwamambo Sairasi wechiPezhia.

Verenga chikamu Dhanieri 6