Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:19-28

Dhanieri 6:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose. Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti: “Mubudirire zvikuru kwazvo! “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoumambo hwangu vanhu vanofanira kutya Mwari waDhanieri uye vamuremekedze. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu, anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi. Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.” Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:19-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.” Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake. Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanieri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna‐vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba. Ipapo Dhariusi akanyorera vanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere munyika yose, akati, “Rugare ngaruwanzwe kwamuri. Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanieri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma. Ndiye anorwira nokusunungura, ndiye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye akarwira Dhanieri pasimba reshumba.” Saizvozvo Dhanieri uyu akagara zvakanaka pakubata ushe kwaDhariusi napakubata ushe kwaKoreshi muPeresia.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:19-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake. Mambo akatema chirevo, varume vaya vaipomera Dhanieri mhosva vakabva vauyiwa navo vakakandwawo mugomba reshumba, ivo navana vavo pamwechete navakadzi vavo. Vasati vatombosvika pasi pegomba iroro shumba dzakavaita dzakurira dzikapwapwanyura mapfupa avo. Ipapo mambo Dhariusi akanyorera tsamba kumarudzi ose avanhu nendudzi dzose zvadzo ndimi nendimi dzavagere pasi pano pose achiti: “Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi. Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri: “Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu anogara narini narini wose. Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa, hutongi hwake huchavako kudzamara kumagumo chaiko. “Anonunura uye anoponesa, anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napasi iye akanunura Dhanieri mukanwa meshumba.” Nokudaro Dhanieri akabudirira kwazvo panguva dzokutanga kwaDhariusi uyewo dzokutonga kwamambo Sairasi wechiPezhia.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:19-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mambo akafumirisa kwaɀo maŋgwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here? Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita. Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake. Ipapo mambo akaraira, ʋakaʋuya naʋaya ʋanhu ʋakaŋga ʋapomera Danieri, ʋakaʋawisira mugomba reshumba, iʋo, naʋana ʋaʋo, naʋakadzi ʋaʋo; shumba dzikaʋakunda, dzikavuna‐vuna mafupa aʋo, ʋacigere kuȿika pasi mugomba. Ipapo Dariusi akanyorera ʋanhu ʋose, namarudzi ose, namarimi ose, ʋagere panyika yose, akati: Rugare ŋgaruwanzwe kwamuri. Ndinotema cireʋo, kuti panyika yose yoʋushe bgaŋgu ʋanhu ʋose ʋaɗeɗere ʋatye pamberi paMŋari waDanieri; nokuti ndiye Mŋari mupenyu, uri’po nokusiŋgaperi, ʋushe bgake haʋuŋgaparadzwi; kuɓata kwake ʋushe kucaʋa’po kuȿikira pakuguma. Ndiye unorwira nokusunuŋgura, ndiye unoita ɀiratidzo neɀishamiso kuɗeŋga napanyika, ndiye wakarwira Danieri pasimba reshumba. Saiɀoɀo Danieri uyu wakagara ɀakanaka pakuɓata ʋushe kwaDariusi napakuɓata ʋushe kwaKoreshi muPersia.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 6

Dhanieri 6:19-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)