Dhanieri akabva aenda kumba kwake akazivisawo nyaya iyoyo shamwari dzake dziya vanaHananiya naMishaeri naAzariya. Akavataurira kuti vakumbire Mwari Wedenga agovanzwirawo tsitsi nezvechinhu chakavanzika ichi, kuitira kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vangwaru vose veBhabhironi. Ndipo pakazoziviswa Dhanieri usiku chakavanzika chacho muchiratidzo, ndokubva Dhanieri arumbidza Mwari Wedenga. Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini narini wose ndiye mwene woungwaru nesimba. “Anosandura nguva nemwaka; anobvisa madzimambo uye anogadzawo madzimambo; anopa uchenjeri kuna vangwaru noruzivo kuvanhu vanonzwisisa. “Anoisa pachena zvinhu zvakadzama, zvinhu zvakavanzika. Anozviziva zviri murima iye chiedza ndipo pamusha. “Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.”
Verenga chikamu Dhanieri 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 2:17-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo