Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 2:17-23

Dhanieri 2:17-23 SNA2002

Ipapo Dhanieri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi. Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanieri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanieri akatenda Mwari wokudenga. Dhanieri akapindura, akati, “Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi‐peri, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake. Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo; ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari. Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.”

Verenga chikamu Dhanieri 2