Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto. Kuzoti nguva iya yapera, mambo paakati majaya iwayo auyiwe nawo, muyuniki uya, mukuru akavaunza makanga muina Nebhukadhineza. Mambo akataura navo. Zvino pakati pavo vose hapana mumwe akanga akaita saDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya. Naizvozvo vakabva vava vokushanda pana mambo. Panyaya yose yose zvayo painge pava kutsvakwa ungwaru nouchenjeri pazvinhu zvavainge vabvunzwa namambo, mambo aiona kuti vaiva vari nani zvokutopeta kagumi vamapipi kana vamaminimini vaiva munyika dzose dzoumambo hwake. Dhanieri akaramba aripo kusvikira gore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairasi.
Verenga chikamu Dhanieri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 1:17-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo