Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa. Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari. Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanieri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo. Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake. Dhanieri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.
Verenga chikamu Dhanieri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 1:17-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo