Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vakorose 3:12-25

Vakorose 3:12-25 SCLB

Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu, nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana. Pamusoro paizvozvi pfekai rudo runobatanidza zvose pamwechete mukuwirirana chaiko. Rugare rwaKristu ngarwutonge mumwoyo menyu. Ndizvo chaizvo zvamakadaidzirwa kuti muve mumuviri mumwechete muchitenda. Shoko raKristu noupfumi hwaro ngarinyatsoti tindindi mamuri muchidzidzisana nokurairana noungwaru muchiimba nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchitenda Mwari mumwoyo menyu. Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba. Madzimai zviisei pasi pavarume venyu sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi. Imi varume idai vakadzi venyu musave norushusho kwavari. Imi vana, teererai vabereki venyu muna zvose nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi. Vanababa musashatirise vana venyu, vangadaro vakarasa mwoyo. Imi varanda teererai muna zvose vanhu vanenge vari vatenzi venyu pasi pano, kwete zvokubata vanhu kumeso savanhu vokungoda kufadza vanhu. Zviitei nomwoyo mumwechete mutye Tenzi. Chipi nechipi chamunoita chiitei nomwoyo wose sokunge munoshandira Tenzi, kwete vanhu, sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubayiro wenyu, nokuti Tenzi Kristu ndiye wamuri kushandira. Ndinodaro nokuti muiti wezvakaipa achawana mubayiro wake, pasina zvorusaruro.

Verenga chikamu Vakorose 3