Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 3:12-25

VaKorose 3:12-25 SNA2002

Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa. Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga. Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurayirana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumwoyo menyu; uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari baba naye. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna Ishe. Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka muna Ishe. Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo. Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata basa pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya Ishe. Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokuna Ishe, musingaitiri vanhu; muchiziva kuti muchapiwa naIshe mubayiro wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu. Nokuti anoita zvisakarurama, achapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinoonekwa zvomunhu zvinotendwa.

Verenga chikamu VaKorose 3