Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vakorose 3:1-14

Vakorose 3:1-14 SCLB

Zvino kana makamuka pamwechete naKristu kudai tswakai zviri kumusoro kuna Kristu kwaagere kurudyi rwaMwari. Isai mwoyo yenyu kune zvokudenga, kwete zvapasi pano. Ndinodaro nokuti makafa uye kuti upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari. Panenge iye Kristu, upenyu hwedu, azozviratidza, ipapo, imiwo muchazoratidzwa muinaye mumbiri. Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo. Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa. Makambofamba mazviri pamaigara mazviri. Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo. Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose. Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu, nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana. Pamusoro paizvozvi pfekai rudo runobatanidza zvose pamwechete mukuwirirana chaiko.

Verenga chikamu Vakorose 3