Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 3:1-14

VaKorose 3:1-14 SNA2002

Naizvozvo, kana makamutswa pamwechete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kuna Kristu, agere kurudyi rwaMwari. Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi. Nokuti makafa, upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari. Kana Kristu, iye upenyu hwedu, achionekwa, nemiwo muchaonekwa pamwechete naye pakubwinya. Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavana vokusateerera; nemiwo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi. Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika; apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose. Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.

Verenga chikamu VaKorose 3