Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:17-29

Mabasa 7:17-29 SCLB

“Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi. Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe. Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake. Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito. “Paakanga ava namakore makumi mana, akaita pfungwa yokushanyira hama dzake vaIsiraeri. Paakaona mumwe wavo achiitirwa zvakaipa akadzivirira aiitirwa zvakaipa. Akamutsividzira nokuponda muIjipiti. Mosesi aifunga kuti hama dzake dzainzwisisa kuti Mwari aida kuvanunura nomumaoko ake asi havana kunzwisisa. Ramangwana racho akasvika pane vamwe vairwa. Akada kuvayananisa achiti varume muri hama nehama munoda kukuvadziranei? Asi murume aiitira mumwe zvakaipa akamusairira kurutivi achiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi wedu? Asi unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipiti nezuro?’ Mosesi paakanzwa izvi akatiza. Akava mupoteri munyika yavaMidhia kwaakabereka vanakomana vaviri.

Verenga chikamu Mabasa 7