Mabasa 7:17-29
Mabasa 7:17-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru. Ipapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti. Akabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa. “Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu. Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake. Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu. “Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri. Akaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya. Mozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva. Fume mangwana Mozisi akasvikowana vaIsraeri vaviri vachirwa. Akaedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, muri hama imi; munodireiko kukuvadzana?’ “Asi murume uya akanga achitambudza mumwe akasundidzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? Unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nezuro?’ Mozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri.
Mabasa 7:17-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti; kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, akanga asina kuziva Josefa. “Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavarayira kuti varase vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa. Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, akanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; zvino akati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake. “Zvino akati asvika makore ana makumi mana, mwoyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsiraeri. Akaona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akauraya muIjipiti, achitsiva akanga achitambudzwa. Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari akanga achida kuvaponesa noruoko rwake; asi havana kunzwisisa. Fume mangwana akavaona vachikakavara, akaedza kuvayananisa, achiti, ‘Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?’ “Zvino iye akanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? Unoda kundiuraya, sezvawakauraya muIjipiti zuro kanhi?’ Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidhiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
Mabasa 7:17-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi. Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe. Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake. Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito. “Paakanga ava namakore makumi mana, akaita pfungwa yokushanyira hama dzake vaIsiraeri. Paakaona mumwe wavo achiitirwa zvakaipa akadzivirira aiitirwa zvakaipa. Akamutsividzira nokuponda muIjipiti. Mosesi aifunga kuti hama dzake dzainzwisisa kuti Mwari aida kuvanunura nomumaoko ake asi havana kunzwisisa. Ramangwana racho akasvika pane vamwe vairwa. Akada kuvayananisa achiti varume muri hama nehama munoda kukuvadziranei? Asi murume aiitira mumwe zvakaipa akamusairira kurutivi achiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi wedu? Asi unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipiti nezuro?’ Mosesi paakanzwa izvi akatiza. Akava mupoteri munyika yavaMidhia kwaakabereka vanakomana vaviri.
Mabasa 7:17-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ŋguʋa yecipikirwa cakaŋga capikirwa Abrahama naMŋari, yakati icisweɗera, ʋanhu ʋakawanda, ʋakaita ʋazhinji muEgipita; kuȿikira mumŋe mambo akamuka muEgipita, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa. Iye akaɓata rudzi rweɗu namano, akatambudza madziɓaɓa eɗu, akaʋaraira kuti ʋarashe ʋacece ʋaʋo, kuti ʋarege kuraramiswa. Neŋguʋa iyo Mosesi akaɓerekwa, wakaŋga akaiȿo‐naka kwaɀo; akarerwa mŋedzi mitatu mumba maɓaɓa ʋake; ɀino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunoŋga, akamurera kuti aʋe mŋanakomana wake. Mosesi akadzidziswa ʋucenjeri bgose bgaʋaEgipita; akaʋa nesimba pamashoko napamaɓasa ake. Ɀino wakati aȿika makore anamakumi manna, mŋoyo wake ukaɗa kushanyira hama dzake, ʋana ʋaIsraeri. Akaʋona mumŋe aciitirwa ɀisakarurama, ndokumurwira, akaʋuraya muEgipita, acitsiʋa wakaŋga acitambudzwa. Akati, ɀimŋe hama dzake dzicanzwisisa kuti Mŋari wakaŋga aciɗa kuʋaponesa noruʋoko rwake; asi haʋana‐kunzwisisa. Fume maŋgwana akaʋaʋona ʋacikakaʋara, akaidza kuʋayananisa, aciti: Ʋarume, muri hama, munoitirana ɀisakarurama neiko? Ɀino iye wakaŋga aciitira wokwake ɀisakarurama akamusundira kure, aciti: Ndianiko wakakuita muɓati nomutoŋgi weɗu? Unoɗa kundiʋuraya, seɀawakaʋuraya muEgipita zuro kanhi? Mosesi akatiza acinzwa shoko iri, akandoʋa mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandoɓereka ʋanakomana ʋaʋiri.
Mabasa 7:17-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)