Ɀino ŋguʋa yecipikirwa cakaŋga capikirwa Abrahama naMŋari, yakati icisweɗera, ʋanhu ʋakawanda, ʋakaita ʋazhinji muEgipita; kuȿikira mumŋe mambo akamuka muEgipita, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa. Iye akaɓata rudzi rweɗu namano, akatambudza madziɓaɓa eɗu, akaʋaraira kuti ʋarashe ʋacece ʋaʋo, kuti ʋarege kuraramiswa. Neŋguʋa iyo Mosesi akaɓerekwa, wakaŋga akaiȿo‐naka kwaɀo; akarerwa mŋedzi mitatu mumba maɓaɓa ʋake; ɀino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunoŋga, akamurera kuti aʋe mŋanakomana wake. Mosesi akadzidziswa ʋucenjeri bgose bgaʋaEgipita; akaʋa nesimba pamashoko napamaɓasa ake. Ɀino wakati aȿika makore anamakumi manna, mŋoyo wake ukaɗa kushanyira hama dzake, ʋana ʋaIsraeri. Akaʋona mumŋe aciitirwa ɀisakarurama, ndokumurwira, akaʋuraya muEgipita, acitsiʋa wakaŋga acitambudzwa. Akati, ɀimŋe hama dzake dzicanzwisisa kuti Mŋari wakaŋga aciɗa kuʋaponesa noruʋoko rwake; asi haʋana‐kunzwisisa. Fume maŋgwana akaʋaʋona ʋacikakaʋara, akaidza kuʋayananisa, aciti: Ʋarume, muri hama, munoitirana ɀisakarurama neiko? Ɀino iye wakaŋga aciitira wokwake ɀisakarurama akamusundira kure, aciti: Ndianiko wakakuita muɓati nomutoŋgi weɗu? Unoɗa kundiʋuraya, seɀawakaʋuraya muEgipita zuro kanhi? Mosesi akatiza acinzwa shoko iri, akandoʋa mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandoɓereka ʋanakomana ʋaʋiri.
Verenga chikamu Maɓasa Aʋaapostora 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maɓasa Aʋaapostora 7:17-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo