Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5:27-42

Mabasa 5:27-42 SCLB

Pavakauya navo vakavamisa pamberi pedare, mupristi mukuru akavabvunza achiti, “Takanyatsokuyambirai kuti musadzidzise nezita iri asi imi matozadza Jerusaremu nechidzidziso chenyu uye munoda kuti ropa romunhu uyu ritipfukire.” Asi Pita navapositori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu wamakauraya nokumurembedza pamuti. Mwari akamusimudzira kurudyi rwake somutungamiri nomununuri kuti Isiraeri ipinduke iregererwe zvitadzo. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi uyewo Mweya Mutsvene akapiwa naMwari kuna vanomuteerera.” Pavakanzwa izvi vakashatirwa zvikuru kwazvo vakafunga zvokuvauraya. Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze. Ndopaakavati, “Vanhu veIsiraeri chenjerai nezvamunoita navanhu ava. Tisati tasvika pane zvanhasi izvi, kwakamuka Tudhasi achizviti ndini pano; chitsama chavarume vanosvika mazana mana chakamutevera asi akauraiwa. Vose vaimutevera vakabva vapararira zvikava chinhu pasina. Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe. Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.” Nokudaro vakatevera zano rake. Pavakadaidza vapositori kuti vapinde, vakavarova vakavakomekedza kuti vasataure muzita raJesu ndokuvarega vachienda. Vakabva mudare vachifara kuti vakaonekwa vakakodzera kuzvidzirwa zita iroro. Zuva nezuva, muTemberi nomudzimba, havana kumira kudzidzisa nokuparidza kuti Jesu ndiye Mesia.

Verenga chikamu Mabasa 5