Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5:27-42

Mabasa 5:27-42 SNA2002

Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Mupristi mukuru akavabvunza, achiti, “Takakurayirai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.” Zvino Petirosi navapostori vakapindura, vakati, “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu, iye wamakauraya muchimuturika pamuti. Mwari akamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiri noMusununguri, kuti ape vaIsiraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; naMweya Mutsvenewo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuteerera.” Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvauraya. Ipapo mumwe muFarisi, ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, aikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akarayira kuti vanhu vabudiswe chinguva chiduku; akati kwavari, “Varume vaIsiraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava. Nokuti kare kwakambomuka Tudhasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akaurawa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa. Shure kwomunhu uyu Judhasi weGariria akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa. Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.” Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vapostori, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza. Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake. Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutemberi kana kudzimba dzavo.

Verenga chikamu Mabasa 5