Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru. Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi muranda wenyu, “ ‘Ko ivo vechirudzi vanoitireiko bopoto, marudzi avanhu vachiita bangano risina maturo. Madzimambo apasi pose vachinyatsorongana, vatongi vachitoitira Tenzi nomuzodzwa wake bangano.’ “Icho chiri chokwadiwo Herodhi naPontio Pirato nevechirudzi navaIsiraeri vakaungana muguta rino vachirwisa muranda wenyu Mutsvene Jesu wamakazodza kuti zvamakafanoronga nesimba roruoko rwenyu nourongwa hwenyu zviitike.
Verenga chikamu Mabasa 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 4:23-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo