Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:23-28

Mabasa 4:23-28 SNA2002

Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru. Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo; makareva naMweya Mutsvene, nomuromo waBaba vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti, ‘Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakaungana pamwechete, Kurwa naIshe naKristu wake.’ “Nokuti zvirokwazvo Herodhi, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsiraeri vakaunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza; kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu, napakufunga kwenyu, kuti zviitwe.

Verenga chikamu Mabasa 4