Kuzoti hwava usiku hwegumi nehwechina pataive tichingonzi suku nasai mugungwa reAdhiria pavakunge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakafungidzira kuti vava kusvika kumahombekombe. Vakaera namaungira vakaona mvura iri mamita makumi matatu namanomwe. Vangoti endei pamberi zvishomanana vakaerazve namaungira vakaona kuti yakanga yava mamita makumi maviri ana manomwe. Pamusana pokutya kuti tingangoroverere pamabwe vakaburitsa zvimwe zvinorema zvokumisisa chikepe zvina necheshure kwechikepe vachinamata kuti dai kwangoedza. Vafambisi vechikepe pavaiedza kutsvaga nzira dzokutiza nadzo muchikepe, vatodzikisa igwa mugungwa nechemberi kwechikepe vachiita sokunge vari kudzikisa zvinorema zviya zvokumisisa nazvo chikepe, Pauro akati kumutungamiri wezana nokumasoja, “Varume ava vakarega kuramba vari muchikepe hamumbopona.” Masoja akadimbura tambo dzegwa vakarirega richienda zvaro. Mambakwedza, Pauro akavakurudzira vose kuti vadye achiti, “Nhasi izuva regumi nechina makabatira ura mumaoko musina chokudya pasina chamadya. Nokudaro ndinokukumbirisai kuti mudye. Zvichakupai simba nokuti hapana noruvhudzi rwomusoro waani naani zvake wenyu ruchatsakatika.” Paakanga ataura izvi akatora chingwa ndokutenda kuna Mwari pamberi pavo vose akachimedura akatangisa kudya. Vakabva vakurudzirwa vose vakadya chokudya. Takanga tiri mazana maviri anamakumi manomwe ana vanhu vatanhatu. Pavakanga vaguta vakarerutsa chikepe nokutokanda koroni mugungwa. Zvino kwakati kwaedza havana kugona kuziva kuti inyika ipi asi vakaona nzvimbo yaigona kumira chikepe yaiva nejecha pamahombekombe pavakafunga kundosvitsa chikepe kumahombekombe ikoko. Naizvozvo vakadimbura zvinorema zvokumisa chikepe nazvo zviya, vakazvisiya mugungwa vachibva vasunungurawo tambo dzakanga dzakasunga zvokunangisa nazvo chikepe. Vakabva vasimudza machira echikepe epamberi akadziva kunobva mhepo. Vakabva vananga kunzvimbo yaigona kumira chikepe kuya. Vakaroverera chikepe pachiturunhuru chejecha pasi pegungwa ndokubva chikepe chati pfe mujecha ndiye mbetete chisisakwanisi kuzunguzika. Besu rechikepe rikabva ratyorwa tyorwa namasaisai. Pfungwa yamasoja yakanga yava yokuti vauraye vasungwa vose kuti varege kushambira vagotiza nokupunyuka. Asi mutungamiri wezana, pamusana pokuda kuponesa Pauro, akarambidza kuita zvavainge vafunga. Akati avo vanokwanisa kushambira vatange ndivo kusvetukira panze vagoshambira vachienda kunyika. Vamwe vose vozoendawo, vamwe vakabatirira pamapuranga kana pane zvimwe zvidimbu zvechikepe. Nenzira iyoyi vose vakasvika pamahombekombe zvakanaka.
Verenga chikamu Mabasa 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 27:27-44
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo