Zvino usiku hwegumi nouna hwakati hwasvika, tichangotorwa-torwa mugungwa reAdhiria, pakati pousiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kuneimwe nyika. Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakaita mafadhomi makumi maviri; vakapfuura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadhomi ane gumi namashanu. Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze. Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho. Pauro akati kumukuru wezana navarwi, “Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.” Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa. Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti, “Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
“Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakuna ruvhudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.”
Akati areva izvozvo, akatora chingwa, akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye. Ipapo vakatsunga mwoyo vose, vakadyawo vamene. Isu tose taiva muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu. Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.
Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri. Ipapo vakagura zvimiso, vakazvisiya mugungwa, vakasunungura zvisungo zvaisunga zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.
Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
Zvino varwi vakati zviri nani kuti vasungwa vaurawe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira. Asi mukuru wezana akada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akarayira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika; vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.