Mhirizhonga iyi payakapera, Pauro akadaidza vadzidzi akavakurudzira ndokuvaoneka oenda kuMasedhonia. Akapfuura nomunzvimbo idzi achivakurudzira akazosvika kuGirisi, kwaakagara mwedzi mitatu. Pamusana pokuti pakaitwa bangano navaJudha rokumurwisa, panguva yaakanga ava kuda kuenda nechikepe kuSiria, akafunga zvokudzokera nokuMasedhonia. Akaperekedzwa naSopeta wokuBherea, mwanakomana waPirusi, kune vokuTesaronika akaperekedzwa naArisitakusi naSekundusi naGayusi wokuDhebhe naTimoti. VokuAsia vakanga vari Tikikusi naTirofimusi. Ava vakafanotungamira vakatimirira kuTiroasi. Isu takafamba nechikepe kuenda Firipi mushure memazuva echingwa chisina mbiriso. Pashure pamazuva mashanu takasvika kwavari kuTiroasi kwatakagara kwamazuva manomwe.
Verenga chikamu Mabasa 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 20:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo