Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavarayira, ndokuonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia. Akagura namativi enyika idzo, akarayira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki. Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia. Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veAsia. Ivo vakatungamira, vakatimirira paTuroasi. Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTuroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe.
Verenga chikamu Mabasa 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 20:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo