Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20:1-6

Mabasa 20:1-6 SNA2002

Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavarayira, ndokuonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia. Akagura namativi enyika idzo, akarayira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki. Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia. Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veAsia. Ivo vakatungamira, vakatimirira paTuroasi. Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTuroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe.

Verenga chikamu Mabasa 20