Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu nokuti vanhu ava havana kudhakwa sezvamuri kufunga nokuti ruchiri rudziyakamwe. Asi izvi ndizvo zvakataurwa nomuporofita Joeri achiti,
“ ‘Mumazuva okupedzisira,
ndizvo zviri kutaura Mwari,
ndichadururira Mweya wangu
pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita.
Vechidiki venyu vachaona zviratidzo,
vakwegura venyu vacharotswa hope.
Kunyange pavaranda vangu vechirume
navaranda vangu vechikadzi,
mumazuva iwayo
ndichadururira Mweya wangu
ivo vachaporofita.
Ndichaita zviratidzo mumatenga'mu
nezviratidzo panyika pasi pano,
zveropa nemoto nebwititi routsi.
Zuva richasandurwa kuva rima,
mwedzi ugoita ropa;
zuva guru raTenzi risati rasvika,
zuva guru, zuva risingaitiki.
Zvichaitika kuti ani naani
anodana zita raTenzi achaponeswa.’
“Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu, Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo. Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo. Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti:
“Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose
nokuti ari kurudyi kwangu
kuti ndirege kuzunguzwa.
Naizvozvo mwoyo wangu unofara
uye rurimi rwangu rwakapembera kufara
uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro.
Nokuti hamungasii mweya wangu
munzvimbo yavafi
kana kurega mururami wenyu achiora.
Makandizivisa nzira youpenyu
muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.”
“Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti,
“Haana kusiiwa munzvimbo yavafi
uye muviri wake hauna kuora.
“Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi:
“Tenzi akati kuna Tenzi wangu,
‘Gara kurudyi kwangu
kusvikira ndaita vavengi vako
chitambarariko chetsoka dzako.’
“Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.”
Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.”
Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu.