Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:14-41

Mabasa 2:14-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu. Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai! Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope. Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita. Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi. Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika. Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’ “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate. Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’ “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi. Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe. Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.” ’ “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?” Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:14-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu, nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti, ‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira, Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achaona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope. Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadurura Mweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita. Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, Nezviratidzo pasi pano; Ropa, nomoto, nemhute yohutsi. Zuva richashandurwa rima, Nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raIshe rinobwinya risati rasvika.’ “Zvino kuchaitika kuti ani naani anodana zita raIshe achaponeswa. Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro; iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti, ‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose, Nokuti ari kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. Naizvozvo mwoyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro. Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’ “Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:14-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu nokuti vanhu ava havana kudhakwa sezvamuri kufunga nokuti ruchiri rudziyakamwe. Asi izvi ndizvo zvakataurwa nomuporofita Joeri achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira, ndizvo zviri kutaura Mwari, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. Vechidiki venyu vachaona zviratidzo, vakwegura venyu vacharotswa hope. Kunyange pavaranda vangu vechirume navaranda vangu vechikadzi, mumazuva iwayo ndichadururira Mweya wangu ivo vachaporofita. Ndichaita zviratidzo mumatenga'mu nezviratidzo panyika pasi pano, zveropa nemoto nebwititi routsi. Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa; zuva guru raTenzi risati rasvika, zuva guru, zuva risingaitiki. Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTenzi achaponeswa.’ “Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu, Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo. Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo. Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu rwakapembera kufara uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro. Nokuti hamungasii mweya wangu munzvimbo yavafi kana kurega mururami wenyu achiora. Makandizivisa nzira youpenyu muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.” “Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti, “Haana kusiiwa munzvimbo yavafi uye muviri wake hauna kuora. “Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.” Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:14-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Petro amire naʋanegumi nomumŋe, akaɗanidzira, akaparidza kwaʋari, aciti: Ʋarume ʋeJudea, nemi mose mugere Jerusarema, cinhu ici ŋgacizikanwe nemi, muterere mashoko aŋgu, nokuti aʋa haʋana‐kuɓatwa, seɀamunofuŋga imi, ɀaiciri ŋguʋa yecitanhatu yezuʋa, asi ici ndico cakarebga nomuprofita Joeri, aciti: Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira, Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita; Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo, Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope. Napamsoro paʋaranda ʋaŋgu napamsoro paʋashandiri ʋaŋgu, Ndicaɗurura ɀomŋeya waŋgu namazuʋa iwayo; ʋacaprofita. Ndicaita ɀinoshamisa kuɗeŋga kumsoro, Neɀiratidzo panyika pasi; Ropa, nomŋoto, nemhute yoʋutsi. Zuʋa ricashandurwa rima, Nomŋedzi ucashandurwa ropa. Zuʋa guru raShe rinobginya risati raȿika. Ɀino kucaitika kuti aninani unoɗana zita raShe ucaponeswa. Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene; iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari, imi makamuroʋera pamucinjikwa, mukamuʋuraya namaʋoko aʋanhu ʋasiŋgatereri murairo; iye wakamutswa naMŋari, amusunuŋgura pakurwadziwa kworufu; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgabviri kuti aɓatwe narwo. Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti: Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose, Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa. Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu wakafara, norurimi rwaŋgu rwakafarisisa; Ʋuye ɀe, nenyama yaŋgu icazorora netariro. Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muHadesi; Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Makandiziʋisa nzira dzoʋupenyu; Mucandizadzisa nomufaro ndiciʋona ciso cenyu. Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Ɀino imba yose yaʋaIsraeri ŋgaiziʋe kwaɀo, kuti uyu Jesu wamakaroʋera pamucinjikwa, Mŋari wakamuita Ishe naKristu. Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaɓayiwa pamŋoyo, ʋakati kunaPetro nokunaʋamŋe ʋaapostora: Ʋarume, hama, ticaiteiko? Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama. Ɀino aʋo ʋakagamucira shoko rake, ʋakabapatidzwa; nezuʋa iro ʋanhu ʋaneŋge ɀuru ɀitatu ʋakawedzerwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:14-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)