Ɀino Petro amire naʋanegumi nomumŋe, akaɗanidzira, akaparidza kwaʋari, aciti: Ʋarume ʋeJudea, nemi mose mugere Jerusarema, cinhu ici ŋgacizikanwe nemi, muterere mashoko aŋgu, nokuti aʋa haʋana‐kuɓatwa, seɀamunofuŋga imi, ɀaiciri ŋguʋa yecitanhatu yezuʋa, asi ici ndico cakarebga nomuprofita Joeri, aciti:
Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira,
Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose;
Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita;
Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo,
Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope.
Napamsoro paʋaranda ʋaŋgu napamsoro paʋashandiri ʋaŋgu,
Ndicaɗurura ɀomŋeya waŋgu namazuʋa iwayo; ʋacaprofita.
Ndicaita ɀinoshamisa kuɗeŋga kumsoro,
Neɀiratidzo panyika pasi;
Ropa, nomŋoto, nemhute yoʋutsi.
Zuʋa ricashandurwa rima,
Nomŋedzi ucashandurwa ropa.
Zuʋa guru raShe rinobginya risati raȿika.
Ɀino kucaitika kuti aninani unoɗana zita raShe ucaponeswa. Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene; iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari, imi makamuroʋera pamucinjikwa, mukamuʋuraya namaʋoko aʋanhu ʋasiŋgatereri murairo; iye wakamutswa naMŋari, amusunuŋgura pakurwadziwa kworufu; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgabviri kuti aɓatwe narwo. Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti:
Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose,
Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa.
Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu wakafara, norurimi rwaŋgu rwakafarisisa;
Ʋuye ɀe, nenyama yaŋgu icazorora netariro.
Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muHadesi;
Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora.
Makandiziʋisa nzira dzoʋupenyu;
Mucandizadzisa nomufaro ndiciʋona ciso cenyu.
Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene:
Ishe wakati kunaShe waŋgu:
Gara kurudyi rwaŋgu,
Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Ɀino imba yose yaʋaIsraeri ŋgaiziʋe kwaɀo, kuti uyu Jesu wamakaroʋera pamucinjikwa, Mŋari wakamuita Ishe naKristu.
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaɓayiwa pamŋoyo, ʋakati kunaPetro nokunaʋamŋe ʋaapostora: Ʋarume, hama, ticaiteiko? Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama. Ɀino aʋo ʋakagamucira shoko rake, ʋakabapatidzwa; nezuʋa iro ʋanhu ʋaneŋge ɀuru ɀitatu ʋakawedzerwa.