Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16:1-15

Mabasa 16:1-15 SCLB

Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake. Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze. Naizvozvo masangano akasimbiswa muchitendero uye vatendi vaiwanda zuva nezuva. Vakaenda nokunyika yeFirigia neGaratia pavakanga varambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko kuAsia. Pavakasvika pakatarisana neMisia, vakaedza kupinda muBhitinia asi Mweya waJesu haana kuvabvumira. Nezvo vakapfuura nepedyo peMisia vakadzika kuTiroasi. Usiku, Pauro akaona chiratidzo chomunhu wokuMasedhonia akamira achimuteterera achiti, “Uyai kuMasedhonia muzotibatsira.” Paakaona chiratidzo ichocho, takabva tarongedzera kuenda kuMasedhonia. Takanga taziva kuti Mwari akanga atidaidza kundoparidza Shoko Rakanaka kwavari. Takatangisa rwendo rwedu nechikepe kubva kuTiroasi tikananga kuSamotirasi chaiko. Ramangwana acho takaenda kuNeaporisi. Takabva ikoko tikaenda kuFiripi guta guru renyika yeMasedhonia, nyika yaiva pasi penyika yeRoma. Takagara muguta iroro kwamazuva. Pazuva reSabata, takaenda kunze kwesuo guru kumahombekombe erwizi kwataifunga kuti kunzvimbo yokunamatira. Takagara pasi tikataura namadzimai akanga aungana. Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro. Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.

Verenga chikamu Mabasa 16