Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16:1-15

Mabasa 16:1-15 SNA2002

Akasvikawo paDhebhe neRisitira. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, ainzi Timoti, mwanakomana womukadzi mutendi, aiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki. Iye aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRisitira neIkonio. Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki. Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapostori navakuru vapaJerusaremu, kuti vazvichengete. Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe. Vakagura nenyika yeFirigiya neyeGaratiya, vambodziviswa naMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia. Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisiya, vakaedza kuenda Bhitiniya, asi Mweya waJesu haana kuvatendera. Vakati vapfuura Misiya, vakaburukira Turoasi. Chiratidzo chikaonekwa naPauro usiku; murume weMakedhonia akanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Yambukirai Makedhonia, utibatsire.” Zvino akati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari atidana kuti tindovaparidzira Vhangeri. Naizvozvo takabva Turoasi nechikepe, tikaruramira Samotirake; fume mangwana tikasvika Neapori; tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro. Nezuva reSabata tikabuda kunze kwesuo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vaunganapo. Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro. Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.

Verenga chikamu Mabasa 16