Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 12:5-7

Mabasa 12:5-7 SCLB

Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari. Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo. Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi.

Verenga chikamu Mabasa 12