Naizvozvo Petirosi akachengetwa mutorongo; asi akanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kuna Mwari. Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuo. Ipapo tarira, mutumwa waIshe akamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petirosi parutivi, ndokumumutsa, achiti, “Muka, ukurumidze.” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko ake.
Verenga chikamu Mabasa 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 12:5-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo